Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

When My God... When? [Chapter 3B]

Stories By Rutendo Nzira: Pakapera mwedzi wetatu ndakange ndisina budget, zvese zvandaifunga kuti ndaida ndakange ndatengerwa, hembe ndaito...

Stories By Rutendo Nzira: Pakapera mwedzi wetatu ndakange ndisina budget, zvese zvandaifunga kuti ndaida ndakange ndatengerwa, hembe ndaitoita 3+ weeks ndisina kudzokorora, vese vana sisi vakandipa dzavakange vasingachapfeki. 


Sisi Anna dzimwe vaitotenga nyowani. So pamonthend ndave nekamari ndakaita manyawi ndokuenda kwaimira maIpsum aienda kuJerera, mukoma Manu vakashama kundiona, asi vakafara kunge ndivo vaive hama yangu. The change in and on me was remarkable. Ndakange ndavewo mukadzi aitocheukirwa pandaifamba. Ndakaramba kutaura zvakawanda, zvekwandaigara handina kuda kuvaudza.
“Ndauya nemari yenyu, musi uya makandiitira zvakanaka” Ndakadaro ndichivatambidza US$10. Vakamboramba kuitambira vachiti yakawandisa but I insisted. “Imari yenyu mukoma Manu, ok ngatichitii pa$6 yamakandipa ndadzora yese then extra $4 batsirai mumwe munhu achashoterwa sezvamakandiitira musi uya. Inga ndozvamakandidzidzisa,” vakaseka havo ndokutambira ndokuzoti; “Uri kushanda basa chairo handitika Gire iwe, kwete zvemumabhawa zviri kutaurwa namai Chomu kumusha uku, ndingauya ndikakuvhomora kundokudzorera kuna Chomu.” Takaseka hedu but I was humbled, at least someone from my home area cared for me. “ndinokuvimbisai mukoma Manu, mubhawa handipinde….”

Vakabva vati; “yaa udaro wena sisitera, mai vako vaive munhu ari bho, haungadaro nekuti havasisipo”. Ndakagutsurira, vakaona kuti ndakange ndave kufunga mai Gire, he felt bad vakaseka seka ndokuti; “Ndonomuudza here mudhara Mukanya kuti ndakuona?”
“Vaudzei vasanditsvaga havo,” ndakadaro ndokuyeneka ndichibvapo.
Add caption

Nekuti ndaive nezvekuita zvakawanda time was flying, I had exams to prepare for. Sisi Anna vakagara neni kunge mwana wamai vavo. Pandaitadza, kana kunonoka kubata zvavaindidzidzisa about modern life vainditukirira, she was my mentor, vaisanyengerera kuti background yangu yange yakaipa. She took me as a normal human being, listened to my dreams and ambitions and guided me on how to achieve them. So pandaiita sendave kuita usimbe vaisundidzira nemuururo chaiwo. Ndakadzidza everything about modern life, cooking, housekeeping, baking, fashion, zvese kani. She made me mudzimai wanhasi.

Musi wandakapedza maExams muna November, sisi Anna vakati vane nyaya yavaida kundiudza, she sounded serious, ndakatya kuti vange vanditsamwira chii. Takagara pasi vachibva vati; “Grace, you are my sister and you know I love you very much handiti?” Ndakangogutsurira, ndaida kuti vataure zvavaida chaizvo.
“No matter what happens we will always be sisters, handiti”, vakadaro again.
“Yes yes sisi Anna, zvaita seiko?” ndakazobvunza kutenderera kwavo kwanyanya.

Vakambonyarara ndokuti; “Am getting married in December, my boyfriend ari kuuya kuzoroora, ndobva ndachata” Wow wow, I was excited, I hugged her as I congratulated her. We were happy celebrating developments dzemuupenyu hwavakoma. Ndainyara kubvunza asi ndakashingirira ndokuti; “But sisi, ndakagara nemi gore rese we were sharing this bedroom, handina kumboona murume pano wani.” Takaseka tese. Asi vakabva vaita serious.
“That’s why it’s a big deal munin’ina wangu, my marriage is going to change both our lives. Ndosaka ndakamirira kuti upedze kunyora maexams ako to break the news.” Vakandibata maoko futi ndokuti; “Murume wangu is based in Canada, kana tikachata in December ndobva ndatoenda naye.” Hana yangu yakarova, another separation again in my life here veduwe. When will I ever settle down?
Misodzi yangu yakabuda, vakabva vati; “I wish things were different sweetheart, but hona wakura, I know uchapasa O’Level. I will introduce you to my workmates especially selection team yeku Nursing Training School kuti kana maresults abuda vakupewo nzvimbo uite nurse. Handiti unodaka? 

Then after your training wobva wauya kuCanada, they are always recruiting nurses,” Vakambonyarara ndokuzoenderera mberi.
“ And Robert my husband, has a cute brother and a handsome friend, then you will attract one of them and we will be together forever as sisters.” she naughtly said this tikamboseka. I could see she was also at pains, she was struggling kuti zvive zvakareruka by planning and raising our hopes that we will be together again.

This was a blow to me, takaramba hedu tichitaura about it, kunyeperana kuti taizoramba tiri tese, but my sixth sense kept telling me kuti I should face it; whatever God wanted sisi Anna to do in my life was done exceptionally well and it was time to move on. And because she had done it excellently, God was blessing her abundantly. I was happy for her, but I did not want to lose her either.

Ndakazorega complaining and worrying about our pending separation, I had to support sisi Anna as she was busy preparing for her wedding, of course ndaiperekedza muchato wavo as well as being her right hand lady. When she was stressed forgetting where she had put her car keys, or envelope ine important documents ndini ndaiziva kuti zviri pai. Ndaigara ndavarongedzera even handbag yavo chaiyo, you know she was classy, hembe, handbag nebhutsu zvaifambirana so pakuchinja mahandbag apa paikanganwika zvakawanda. I would pack her suitcase vachienda kwana vamwene vavo, she trusted me kuti vakangondipa list ndaiita sezvavaitarisira. Kana pavaibuda vachimhanya vakanganwa kubvisa shower cap mumusoro, or vakanganwa kubvisa pulling socks ravairara naro, ndaikurumidza kuzvidhonza nekuuya nespray nebrush reweave yavo togadzirisa vakatogara padrivers’ seat. That was our magnificent relationship.

I was her private personal assistant, and I enjoyed playing my role ndisina kutumwa. Ivo vange vaziva kuti I needed to sit for my O’Levels, I needed grooming, vakazviita zvese and more ndisina kukumbira, vasina kutumwa. God had given us each other at the most unexpected place. Takasangana paRank yemabhazi, ndichibvutirwa kabag kangu, vachitenga nyemba nekuti vakange vasuwa mutakura, at a time when mutakura was my all time meal. This goodbye was very frightening to me. For the second time again in my life I was heartbroken. Again I wished dai Mwari vamboti mirei to separate us, ndange ndisati ndave ready to be alone.

After the wedding sisi Anna nemurume wavo vakabva vangoenda kuCanada. I also went to the airport, ndakachema kusvika ndatukwa namai vasisi Anna vave kuti asi ndinoshurira mwana wavo here.

Pamba pataigara paida kuti mumba mupinde imwe hama yavo aizotora nzvimbo yasisi Anna as the Landlord of the house. Sis Anna had tried to reason with her family to let me stay, but they all refused. I understood them, I was an unnecessary burden and responsibility to them, dai ndaifirapo vaizoudza ani? Ava 3 vaigarapo no one wanted to take full responsibility of me, vakati kana ndaisagara pamba apa then zvekuti ndivashandire zvaibva zvaperawo, so ndakasara pazero again.

Ndakange ndamirira kuti maresults abude kuti ndigotsvaga nzvimbo kuSchool of Nursing, asi ndaizogara kupi between December and March wacho. Ukuwo kuma Training School mari yaitonga and sisi Anna was no longer part of that community hapana akada kundirongera. Ndakaramba ndichitevera nekufonera vanhu vandakange ndaziviswa nasisi Anna asi kubhururuka kwakaita ndege yavakoma ndiko kwakaitawo all the plans dzataive tichiita tese. Ndakambotenderera mutown kutsvaga basa kuti ndisabude muMasvingo asi I was behind time, kwaive kuvhima nesalt muhomwe chaiko. Mwedzi wese kuti zii hapana kana chandakawana, zvaiita as if everything I tried to do was just impossible.

Rachael paakaona ndanyanya kupererwa akazoti aive natete vake vaigara kuBulawayo vaida musikana webasa, which was the only place I could go to. Zvekudzokera Jerera, evoo, never crossed my mind.

So I agreed and prepared myself for Bulawayo. I was not happy, not excited about it. Ndaisave nepandinoti pangu, and I did not expect kuti pane kwandichagara sezvandaiita pamba pasisi Anna. Ndakataura nevanhu vekuBulawayo vakandiudza zuva rekuendako pavhiki raitevera, so Bulawayo was my next stop…
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place