Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Tete Manyati Vanoti Ziva Muviri Wemurume (Lesson 3)

TETE MaNyati vanoti Kuziva kwakaita Mukadzi kana Murume Wako : LESSON 1c PaLESSON 1b: Takapedza tichitaura kuti Murume akapaona pese apa ...

TETE MaNyati vanoti Kuziva kwakaita Mukadzi kana Murume Wako : LESSON 1c


PaLESSON 1b: Takapedza tichitaura kuti Murume akapaona pese apa kubva paguvhu kusvika pabeche akapaongorora zvakanaka anoita CHIKORO chakawanda panguva dikidiki. Haumbozonetseki kumuudza zviri kuitikako. Mutaridze usina kuzvimba usina zemo, wozomuratidza futi une zemo aone kusiyana kwazvo.

Kana usina vhudzi ipapa asi uchida kuti murume apaone unokwanisa kungomuudza kuti pari kugwadzirira ngaatarise aone kuti pane chii? Unoona otora nguva yakareba achitarisa. Murume haadi kufunga kuti pane chaitika panzvimbo iyoyi pamukadzi wake. Anobva aongorora kuti shuwa panei.  Iwe chingomuti ko apa, uchimutaridza wakanyatsovhura makumbo achiona. Wana rimwe zano rokuti awane nguva achiona mamirire azvakaita.

Seiko Vanhu isu takaroorana kukapera nguva yakapfuura gore, iye akazondibvunza kuti weti inobuda napai. Ndokuzomubvisira bhurugwa ndokumuratidza. Asati apaona aifunga kuti unokwanisa kukanganisa pokupinza ukapinza panobuda neweti.
Chokwadi here, shuwa munombo ziva kuti zvinosetsa kubva kuvarume vedu. Kungokasira kuda kupinza chombo chete munhu asina kuona kuti panhu pakamira sei, chokwadi vakadzi vari mudzimba vakaroorwq vazhinji vano virirana neni kuti chigunwe chete chemurume ndicho chino ziva buri rako iye maziso ake asati ariona varume vazhinji vanonyara kutarisa rake kuti aone nemaziso ega.

Timbo taurawo Mukadzi paNhengo yeMurume wake:

Mukadzi ngaasajaira kuiswa murima seBonga rinoda kubata huku muzumbu, munotyeiko kuonerana imi maka roorana. Wana nguva yokuongorora zvakaita chombo chomurume wako.
Iwe mukadzu unochipuruzira, wochigezesa kana muchigeza mese, wochikweva ganda roenda shure kuti uone musoro wacho wakatarisa zvakanaka sehurungudo.

Zvakanzi naBaRufo mukadzi unokwanisazve kutarisa pano buda neweti yemurume pachibudazve nourume. Ukachibhendesa wakachitaridza kuguvhu wotarisa pasi pacho unoona pane mutsetse wakaita sokuti chakasonwa netsono pachakabatanidza. Unoonazve kuti ganda racho rakasviba kupfuura ganda romuviri wese. Hameno kuti zvinorevei izvi nokuti pamuviri pese panopfekwa hembhe nguva dzese pasingasviki zuva hapana kusviba kunze kwepamberi chete asi uka tarisa pasi peMachende unoona pakaSvibirira.
Tete Manyati Vanoti Ziva Muviri Wemurume (Lesson 3)
Ukangoda kuibatabata nhengo yacho unoona yotomira. Ukakweva gana kumashure wotarisa pasi pemusoro unoona pakabatira ganda zvokuti zvinoita sepasina kusimba asi unoita makore nemurume haumbonzwa achiti pabvaruka.

Uchaona futi kuti ahina kururama chero yakamira. Nhengo yacho inoita kubhenderera. Hazvirevi kuti pane chakamboitika murume ari mwana. Vakuru vanoti varume vane zvombo zvakati tasa vashomashoma. Iwe mukadzi usava nehanya nazvo anongoSvira zvakanaka akadaro.

Ukaramba uchidzika zasi unoona kuti chihomwe chinemabhora ake anova ndiwo anogadzira hurume chakarembera asika ukatarisisa kuchi dziya uchaona kuti rimwe remabhora rakadzikira kupfuura rimwe.
Vakuru vanoti ndizvo agogona kufamba asingazvikuvadzi. Saka iwe mukadzi chiisa mabhora ake muruoko uite seuri kupima kurema kwawo. Usasvina kuPresser chihomwe ichi nekuti unokwanisa kukuvadza murume zvokutomuendesa kuchipatara.

Chombo chinhu chinotonakidza kuchitambisa nokuti chinoita zvinonakidza. Kana unacho mumaoko unokwanisa kutonzwa kana kuona chichikura kusvika chaomarara nekumira kuti twiii iwe uchingopuruzira Chete murudo.
Ukada kupuruzira kuita sekunge kuchifuridzira seuri kufuridzira moto kana Tea inopisa, unoona choti Gwii, Gwii, nehasha, woziva kuti nhasi ndiri kuoneswa Rudo rese paBonde. Saka ndapota jairayi kutamba noZvombo zvevarume wenye mumaoko nokuziva maitirwo acho.

TOPEDZISA NEPAKUITA BONDE:

Kana murume ari mukati achi tambisa muchuuno wake, achikoira iwe uchigamuchirawo nechiuno chakasimba ichi chinonzi Chikapa " chinoti netseyi kuvakadzi vazhinji nekuti havapihwe nguva yavo paROMANCE uye vazhinji vanenge vabviswa maFeelings ese pavano pukutiswa OIL yeMbutu " KUTOTAkweBECHE HAKU PUKUTWE MUKATI MARO, PUKUTAYI MUZVIDYA KWETE MUKATI meNHENGO CHAIMO.
Mukadaro muchaona kuti Bonde harimbo rwadza uye iro Beche rinenge richito ita kuyamwa nhengo yemurume kana musina kupukuta mukati, panosvika pakuti murume anotadza kuita zvaanoda otanga kuomarara mutezo wake.
Unotonzwa kuti haachazivi zvokuita. Ipapo ukapinza ruoko seri kwemagaro ake kana uchikwanisa, wokwenyerera paya patati pakati pechihomwe chemabhora neburi rekumashure. Kwenyerera wakatsimbidzira, ukadaro chete anokudirira hurume hwese.

Apa panoda kuitirwa varume vane rudo uye vano gona bonde, nekuti vamwe varume mabasa saka chenjerai nokuti vamwe varume ukaita zvausina kumboita anokutsamwira oti wakazvidzidziswa nemumwe murume.

Kana adaro muratidze GROUP RINO kana PAGE REDU moti kuna Tete MaNyati naBaRudo nevamwe vari kudzidzisa vanhu paFacebook, womuudza kuti vanoda kuti dzimba dzese dziite bonde rinonakira vanhu vese, uye wakazvarirwa kuudza vanhu zvese pachena.

Ipapo anozokubvunza mangwana chaiye nokuti anenge asisina simba rokufunga kana wapedza naye. Varumewo dzidzisai vakadzi venyu kukwenyerera panhu apa panonaka kukwenya zvese pemukadzi nepemurume. Pemukadzi pese pese pakati pemakumbo kubva pamabvi zvichisvika pamberi pakangobatwa kana kupuruzirwa panoto nakidza chete.

Uye kana muri mubhazi ukangoisa ruoko pabvi romukadzi wako anobva atotanga kunzwa kuti nyewenyewe muviri wake wose kana pamberi pake kutonyorowa, ukazokwidza watove kutsvaka zvisirizvo nguva yacho usina.

Saka nzwisisa kuti kutarisa pikicha kwakasiyana nokutarisa mukadzi kana murume wako waunokwanisa kubata nokubhevhura bhevhura uchizvionera wega.

Tosangana kuzvimwe zvidzidzo zvichauya pamberi. Ndatenda
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place