Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

My Sister... My Advisor [Part 3]

Stories By Lovely Rutendo Nzira : After 3 months mwana apora, ndaka shanyira sisi vangu kumba kwavo nenews dzavaida chaidzo. Bamukuru pavak...

Stories By Lovely Rutendo Nzira: After 3 months mwana apora, ndaka shanyira sisi vangu kumba kwavo nenews dzavaida chaidzo. Bamukuru pavakangondiona ndichipinda vakasimuka ndokundikwazisa vachitobuda mumba. 

“Ko sei kuchena so, wakachinja style asi zvakazofaya kani naElder Mahari?” Ndakasekerera vangu ndokuvaudza kuti Elder havana dhiri ndakange ndawana zviri nane kupinda Elder, kamukuru kechidiki and ane mari chaiyo kwete zvekutamba. Sisi vakange vachenama vakanditarisa vachinge vacharutsa ne excitement. Ndakaenderera kuvaudza about my new man;
“Anonzi Xander (Zanda), and yes yes sisi he very much married anogara nemukadzi wake nevana vavo. And yes, like you ADVISED I know the wife and again like you advised I made sure kuti mukadzi wake anondifarira we are friends, ndinosvika pamba pavo whenever I want. I know all the problems they have handiti vese mukadzi nemurume vanondiudza? And yes zvese mukadzi wacho zvaanoti haaitire murume wake ini ndinoita, handiti it’s just business nothing personal. And yes I discourage her kuenda kun’anga nemapostori ndogara ndichimukwidza ndege yamashanga kuti aone sekuti ndiye ane yese”. Takarova kakuwe vana vanyamunhu.

Mai Kudzie dzakafemedzeka nestupid excitement yehure damn it; “Wazvionaka mwana wamai vangu, now wakura manje, handiti unoona mainini mai Mombeyarara, munin’ina wamamma, ndovakandiudza madhiri aya andave kukudzidzisawo kuti chihure hachiitirwe kubhawa, ndezvemarombe, unoitira mumuchato wacho iwoyo ”, takapfipfika like exactly what we were, pathetic married bitches. Ndakazopiwa malessons of how to get money from Xander, how to keep him on a leash. Ndakatereresa nekuti aive malessons eupenyu.
My Sister... My Advisor
Ndakatanga ndichinyara ndichitya nekuzengurira pese paiuya Xander kuzonditora pamba, and sezvandaivewo kumukadzi wake, Xander akaitawo best friend yaPeter. Aiuya otora Peter ondomusiya kubhawa rekure nekumba amutengera beer nefodya asi asina kana cent muhomwe, ouya ondirikita madiro ake. Taifara kukanganwa kuti kune vanhu vari kufunga kuti we are married to them. Nekuti ndakange ndave nemari, sisi vakazobvuma kuti tirojewo mumba yavo yaive kuBudiriro, it was walled and gated ine durawall so vana vange votambawo muyard muri decent…. This fucked up life. Ndakange ndave kuonekwa semunhuwo. Even pataienda kumba kuMasvingo, hama dzedu dzange dzoona kuti tave kunyanya kuwirirana because of change of my lifestyle. 

Xander aibhadhara rent, groceries, and akabva anditengera mota from UK. Ah ko kutyei. Pandakatanga kuenda nayo kwamai Mahari vakati; “Mwanangu, mafambiro ako andichaaone zvakanaka, handisi kuti haufanire kubudirira asi mari uri kuiwanepiko? Mari iya yekuchipatara wakandidzorera yese one day, pasina 2 months watotenga mota, kwakanaka here.” Ndaisada kusemburwa, and ndaisada kuvanyepera so ndakangoti; “inyasha mother”. Vakazviona kuti statement yangu yaiti go to hell, so she decided to stay away from that trip. Pandakachaisa ndakapfuura nekubasa kwasisi kuti vaone mota yangu. Takambofara fara zvedu asi ndakaona kuti vakoma vangu pane zvaivanetsa, so ndakavabvunza;
“Ufunge Alex babamukuru vako handichavanzwisisi, ave kungoita zvinhu asina kundiudza, maweekends akabuda Friday anodzoka Sunday, kana ndikafona kunongonzi babes 2 minutes, ndave kutouya iye munhu achizouya mangwana.” Ndakambofunga ndokuti; “Kuti vangave vane small house?” mai Kudzie vakaseka kusvika vadzipwa nemate avo; “Kana Alex akanyenga ndoswera ndamubata, haiwa zvangu, hameno madhiri emari aari kuita aasingade kuti ndizive.” In that case hazvina basa ko imi muri kuita madhiri eproperty dzaakabvisira exclusive rights wani. Takamboseka zvedu after ndataura izvi, ndakashaya kuti mukoma wangu sei aive ne stupid confidence dzakadaro, nekuti even inini rombe rangu handairitemba ndakange ndakatotaimira kuti ndikariwanikidza ndirikandire kabag neMemory card nemaEar fones panze, that’s all he had, out of mumba mandaibhadhara rent nechandakapiwa nenyasha dzedenga.

Peter akazodaidzwa navamwe sekuru vake kuenda kuBotswana kumbonotsvaga chekubata, vakange vatishanyira vakaona kuti ndakange ndamutsa. Vakange vajaira kuuya ndichichema nekudemba votisiira mamacaroni, cooking oil, necremora, apa I served him Wimpy Breakfast, bacon, egg, boerwors necucumber, paZimba pacho ipapo paitadza muzukuru wavo kana kutenga andaweya, sorry shame. Chihure chine kufumuka kwachakaita hachivanzike, sekuru vakachiona from miles away by merely looking at me and the way I addressed muzukuru wavo. Am sure he justified it somehow nekuti havana kubvunza or kutsiura, vakaita action. So vakatora mwana wehanzvadzi yavo vakati vambomubatsirawo kuve murume nemaPula.

Apa ndopatakaita baba namai naXander, ange ouya kuzogara mumba chaimo, mwana ndakange ndaendesa kuna mai vaPeter kuti zvinyatsofaya, zvakavabatsirawo nekuti every month vange vomira paBus stop receiving groceries, and eco-cash paGrowth Point vange vozikanwa kuti chembere yemadhora. So ndakatamba umhandara hwange hwagurisirwa nemwana wavo, no shame, no guilty, no remorse. Takasvika pakuudzana kuti “I love you, I cannot live without you”. Zvedi takatanga sechihure tichiti kutamba taitiza problems dzaive in our marriages but pazvange zvave pakaipa. Ndakange ndisingachakwanisi kurara ndisina kugukuchirwa naXander, zvemukadzi wake ndakaignowa, paaitadza kuuya ndaiita hasha neshanje dzaimutyisa kana iye.

3 months Peter asipo, aifona once in a while, I did not miss him, ndochaizvo zvandaida kusiyana naye, ange ave tsvina kwandiri. Asi pathird month apa ndopachakabvondoka, ndakabva ndabata pamuviri, hana yangu yakarova, ndaive mai Tadereraka ini. Ndakamboita 2 weeks ndichijaira shock yangu then ndokuzowana maguts ekuenda kwasisi. Xander ndakange ndamuudza musi mumwe chete pafone akati taizotaurirana manheru.

Ndakawana sisi vari mugarden mavo nababamukuru, handina kuita hanya navo bamukuru, ndakangoti, “Sisi mai Fadzie ndine nhumbu,” bamukuru ziso rakaita serichadonhera pasi, sisi vachibva vati; “Ndiye Xander zve.” Ndakagutsurira. Bamukuru vakati; “If you want my opinion mainini, bamunini zvavasipo so bvisai nhumbu iyo” Ndakaridza tsamwa. Sisi vangu vakafinyamira murume wavo ndokubva vati;

“Haibviswe, baba vemwana uyu can afford to take care of this baby and more. If possible ngaaroore, zvekuti ane mukadzi izvo its nonsense, paaiuya kwauri mukadzi wacho aivepi? Hameno hake mukadzi iyeye mhepo dzekumusha kwake dzamuisa pabarika. And hamugareka mese muimba one unogara kwako wega uchichengeterwa mwana.”
Ah my sister has lots of surprises, she will never cease to amaze me, ndakati; “But sisi this is what I said before all this mess. Ndakati ndisiyane naPeter, even marriage ndaiwana a single man ndikaita imwe marriage yakanaka ….” Ndakange ndavadenha, and vaisanyara murume wavo; “Iwe Susan am trying to help you here, handisini ndine nhumbu yemurume wemunhu, so under the circumstances be the second wife then we will deal with the first wife. Ko unomutyei mukadzi wacho hauzive kuti big house yekumwe ismall house kumwe, maybe anotokuziva wakatotorawo marara aimushungurudza”, vakaita kasekero kavo keunzenza kanenge kamainini mai Mombeyarara.

Bamukuru vakaita hasha vakati; “Iwe mai Fadzie, hoo waiziva kuti munin’ina wako anohura uchimutsigira, now uri kuti she can go ahead aroorwe nemurume ane mhuri yake?? Honestly?????” Sisi vangu havana kuona kuti murume wavo ange atenga nyaya ave kuvapa Judgement Night 4 kutangira Makandiwa.
“Let me get this straight, you are saying Susan achengete nhumbu abve aroorwa, right?” bamukuru pane zvavaida kuti zvitaurike.
“Eheka ko zvinei newe? What is wrong with that? So mwana oshaya baba vake nekuti bro Alex hazvivaitire?”. Bamukuru vakasimuka ndokupinda mumota mavo ndokuenda. Handinawo kuzonyanya kugara.
Pakazouya Xander manheru, takambotaura zvenhumbu nemwana, akazobatirwa nehope achiti; “Sisi vako vari 100% right, ndinokuroora. Iwe chiendesa gupuro kwana Peter thereafter ndozobvisa roora kumba kwenyu.”

Mari inoita kuti zvinhu zvive nyore so munoziva. That month ndakaenda kumba ndikanotaur a nevakuru kuti zvangu naPeter hapachina. Vakatuma munyai kumba kwavo negupuro reUS$5. Ndakanoyeneka vamwene vangu but since tisina kumbonetsana takataurirana zvakanaka, muzukuru wavo taizochengeta tese pange pasina estate or custody issue. Marriage yacho yakatangawo nekutaurirana nenhumbu hapana zvihombe zvakaitwa, yakangoperawo nemashoko neimwezve nhumbu. 


Takazoenda kumba kuMasvingo kuti Xander andoroora, sisi vakaenda nemurume wavo. Pagore nehafu dzandakadanana naXander havana kumbosangana nasisi vangu, mazuva ekutanga sisi vaida kumuona asi ndakavaudza kuti chikomba chati ngatifumukei usiku mumagumbeze kwete masikati machena, vaiziva kuti ane mhuri yake so chavaida kutaura naye vachinyepera hwumaiguru chii. Yakabva yafa yakalodha

So musi wekuroorwa kwangu, vakadzi taive kukitchen tichibika, bamukuru, as expected vakandojoina mukwasha mutsva kwaaive nemashamwari ake kunze kwemusha. Pakatanga munyai maintroductions chaiwo, mulounge makaita mhere mhere vana baba vachibhonga nekushamisika, ndikaziva zvangu kuti chabvondoka. You don’t call me Scandalous Susan for nothing. Takadaidzwa tese. Nekuti ndairoodzwa nanasekuru kwandakarerwa, sekuru vedu vadiki ndovakati;
“Ko mai Kudzie sei kusatitaurira kuti wafunga kuita barika nemunin’ina wako?”
Mai Kudzie havana kunzwisisa, vakaramba vakanyarara, sekuru ndokuenderera.
“So vakwasha vataura chokwadi kuti maiguru havazive, mai Kudzie murume wako uyu, baba vaKudzai, Alexander Kanengoni ndiye auya kuzoroora munin’ina wako”.

Mai Kudzie dzakabva dzafenda. Ko zvavaindikurudzira zvese, ndiani mukadzi wavaida kuti azofendawo so? But you people, honestly tell me, ndakakanganisa papi? I just followed my sister’s advice to the dot, ivo vaive kumberi naAlex ini ndiri kumashure naXander ….. THE END
Source: Stories By Lovely Rutendo Nzira
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place