Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

My Sister... My Advisor [Part 2]

Stories By Lovely Rutendo Nzira : Musi weChitatu sekutaura kwakange kwaita sisi vangu, vakafona vakati mai Elder vakange vandiwanira basa p...

Stories By Lovely Rutendo Nzira: Musi weChitatu sekutaura kwakange kwaita sisi vangu, vakafona vakati mai Elder vakange vandiwanira basa paBusiness pavo. 

Ndakafarisa, ndaizowanawo kwekuswera, ndichiwanawo kamari kangu mwedzi wega wega. Vakati vaizouya vondiona totaurirana. Ndakabva ndakanganwa dzidziso yasisi kure uko, ndaizodirei sugar daddy kana ndave nebasa rangu. Peter akamboramba zvekuti ndiende kubasa, aigaroti vakadzi vanoshanda mahure saka aida kundiona ndiri pamba. Ndaitombobvumirana naye asi pandairara nenzara atadza kutenga chikafu mumba medu ndakasuwirawo basa rangu.

Babamukuru ndovakauya kuzonditora musi wekutanga kundiendesa kubasa, ndaitya nekuzeza kuti pane chandichandogona here. Asi mai Elder vaive munhu akanakisisa, vakandiita semwana wavo wavaidzidzisa nekuchengeta. Vakabva vandipa kaAdvance kuti nditengere mwana chikafu sezvo ndange ndave kumusiya zuva rese. Ndakafara ndikati Mwari mandigonera. Murume wavo Elder Mahari vaiuyawo patinenge tichiita basa pano neapo. Pavakaziva kuti ndaive munin’ina wamai Shumba sisi vangu, vakaratidza kufara chaizvo, asi ndaishamisika nekuti ndaivawana vakandidzvokora vonyemwerera kana tasanganidzana meso. Ndaisada zvakadai izvi, hana yangu yairova ndobva ndatarisa kana mukadzi wavo azviona. Amai hapana chavaiona, vaifara zvavo vachirongedza maruva nezvimwe vachiimba maWorship songs avo.
My Sister... Mt Advisor
After 2 months zvange zvave kuendeka, ndakange ndave munhuwo, ndajaira basa. Sisi mai Kudzie vakandidaidza kumba kwavo kuweekend, pese pavaindidaidza ndaiziva kuti vaive nenyaya. Ndisati ndoshanda vainyanya kundidaidza kuti ndizovachengetera vana kana vasina musikana webasa, kana kungovabatsirawo zvimwe. Ndaitofara nekuti ini nemwana taibva tambowanawo kudya full meals nekunwawo majuice. Ndaive munhu wavo pese pese kana pane zvavaida.

Musi uyu vakaenderera nenyaya yavo;
“Mai Elder is very proud of you my sister, vari kuti uri workhorse chaiyo, urambe wakadaro.” Ndakafara nazvo, ndaigara ndichitya kuti ndichadzingwa basa.
“Vari sei Elder?”
“Hoo ah mai Elder vari bho, she is very nice, vane moyo wakanaka, vanondipa lots of things, vano ….” Ndakabvarukira about mai Elder nekuti I was too excited and appreciative of what mai Elder was doing for me. Sisi vakandibata muromo;
“Ndati Elder kwete mai Elder, stupid, am asking about Mahari the man”. Ndakaramba ndakanyarara nekuti ndaisave nezvekutaura about Elder.
“Chinzwa iwe, handiti unoona kuti mudhara uye akanuna? Vane mari yavo, so iwe am telling you baba ivavo ndovachakuchengeta iwe nemhuri yako. Vachakuitira zvese zvakatadzwa naPeter and more. If need be unovaitira mwana hazvina kana basa. ” Hana yangu yakarova, vairevei vakoma vangu? Inini ndoita small house yavaMahari? Ko mother Mahari vakandibata? Ndonyarira pai zvangu?

Chero pamavhiki ese akazotevera, zvaindidya moyo, apa sisi vakange votonyanya kuwirirana namai Mahari, kunge kundivharira kuti mother vasaone kuti tairongera vaMahari yakapenga. Chakanyanyondibata kuti nditadze zvaidiwa nasisi vangu was not respect for my marriage bodo, Peter was a nobody, nothing to me. Asi mai Mahari did not deserve anything like this.

Mwana wangu Tatenda paakasvika 4yrs, akarohwa nemota ari pabike rake muroad, maDoctors akati paidiwa US$5 000 to save his leg from amputation, salary yangu yaive 250, Peter zero zero, hapana hapana. Ndakapererwa, as usual ndakamhanya kwasisi vangu, bamukuru vakati vaikwanisa kutipa kuti mwana ararame, asi sisi vangu vakandidaidza padivi vakandiudza pachena kuti havaizondipa mari iyoyo, dai ndakaita zvavakataura zvekudanana navaMahari dai ndine mari, or rather dai accident iyoyo isina kuitika nekuti tingadai takatama kubva kuHigh density takandogara kuri nane mwana aidai aive muyard kwete zvedu zvemurukisheni kusina mayard vana vanoswera vachitambira muroad. So kana Tatenda aizogurwa gumbo ndaizongwara kumutsvagira baba vari nane vachatenga wheel chair. Ah can you imagine kutsvinya kwakadai, once in a while sisi vangu vaimbondiomesera moyo asi apa vange vazonyanya. Ndakaita a sharp pain of hatred towards my sister.

Mother mai Mahari vakazondishanyira a day before mwana andogurwa gumbo, ndaingochema, ndipo pavakati;
“Handidi kupindira munyaya dzemhuri yako, but I don’t understand why murume wako asiri kuda kubhadhara. Mai Kudzie vakati he can pay asi haade and iwewe you protect him, why.”
Ndakaona kuti sisi vangu ndonyaya yavange vachifambisa kuti ndishaye rubatsiro. Handina zvakawanda zvandaikwanisa kutaura asi ndakapfugama pamberi pavo ndikachema misodzi yeropa chaiyo. Takazobvumirana namother kuti vandipe mari yese yaidiwa, yoita secret yedu, sisi vaisafanira kuzviziva. Mufunge mother vakati vanoziva kuti handina mari uye yaizondinetsa kudzorera, kana kuti ndaitozotadza kuidzorera zvachose asi vakazvipira kundipa. Vakati taizoona zvekudzorerana kana mwana abuda muchipatara achifamba nemakumbo ake ese. Families are not only biological, Mwari vakandipa mai Mahari as a mother and a sister.

Kurwara kwemwana wangu was a turning point, kwakandipawo kusindimara moyo, kukandipa kuona kuti zvedi I needed someone to help me financially. So I decided to take my sister’s advice. Ndaizozviwanira dhara rangu raizondichengeta ini nemhuri yangu, like she says. But dhara iroro won’t be Elder Mahari, mai Mahari was my mother, so Elder Mahari was my father, no to incest hey hahaha. Ndaitove naro mumusoro mangu dhara raizondiitira zvaida sisi vangu and ndaizowana matips and tricks kubva kwavari sisi vacho. And murume iyeye I would not feel guilty kuve naye kana tsee. Watch me. Apparently ndakazoziva kuti sisi vangu vaive nemagame vaikwirirwa paoffice desk sembwa hahahahaha. I was going to beat her at her own game. Ndaizoita zvinogara zvakadaro, vaitozotora manotes kubva kwandiri. Source: Stories By Lovely Rutendo Nzira.
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place