Lovely Rutendo Nzira : “You may kiss the bride” These were the words dzakataurwa naPastor kuchurch musi wandakazopiwa mukadzi, it was the h...
Lovely Rutendo Nzira: “You may kiss the bride” These were the words dzakataurwa naPastor kuchurch musi wandakazopiwa mukadzi, it was the happiest day of my life.
The following day takazoenda kuHoneymoon kuNyanga tikandoita the most wonderful weekend in our lives. Takafara zvekuti musi uyu hausi wekukanganwa zvekumhanya.
When we got married, my wife anga asina kupedza course yake ye accounting, ainge aisira munzira since mari kumba kwavo yainge isina kumira mushe. Ini ndaishanda kuBank and by then zvinhu zvaikiika kiika, and maLoan taiwanawo.
Anyway takadzoka from honeymoon and handina kupedza nguva, we organized kuti mukadzi apedzise course yake ndichimubhadharira till apedza.
Takagara almost two years achienda kuCollege ini ndichienda kubasa, taking care of all her tuition fees and all the necessities zvechikoro. Dzimwe nguva tichizvinyima food, ndakambomira zvekudya desert and other luxuries, even fashion dzandakange ndatenga as a bachelor dzaifanira kukwana till madam vapedza chikoro. I wanted the best out of my beautiful wife Getrude, and we were going to be role models for our kids. We had one already Takunda Junior a product of our honemoon. Mugoona kuita kwaMwari, everything was just smooth flowing, akapedza ndokupasa, saka yanga yava nyaya yekutanga kutsvaga basa rake kuti tichibatsirana mumba. Semunhu wechikadzi basa harina kunetsa kuwana.Takariwana basa iye ndokutanga kushanda.
![]() |
Ndozvinoita Hupenyu |
Mugoona mabasa aSatan nekunerimwe divi, hameno kuti mhepo dzakabvawo nekupi ndobva kubasa zvatanga kunetsa ndokunzi ndisiye basa. Luck enough mukadzi aishanda saka akatangawo kuvhara maburi sezvandaimboitawo.
After gore ndichigara pamba, zvinhu zvakatanga kuchinja.Ndainge ndakungotaurirwa ne voice riri pamsoro nemukadzi wangu, dzimwe nguva ndichitukwa, hee urikuita basa rekuswera wakagara ini ndichishanda panapa, haukwanise kana kusuka maplates or kusanondibikira, there is no reason kutsvaga maid iwe uchigara pamba, watoo negore rese uri pamba murume mukuru kutadza kutsvaga basa uchiri wana.Dzimwe nguva ndaidumbigwa nehasha asi , ndaingonyarara hangu.
After gore ndichigara pamba, zvinhu zvakatanga kuchinja.Ndainge ndakungotaurirwa ne voice riri pamsoro nemukadzi wangu, dzimwe nguva ndichitukwa, hee urikuita basa rekuswera wakagara ini ndichishanda panapa, haukwanise kana kusuka maplates or kusanondibikira, there is no reason kutsvaga maid iwe uchigara pamba, watoo negore rese uri pamba murume mukuru kutadza kutsvaga basa uchiri wana.Dzimwe nguva ndaidumbigwa nehasha asi , ndaingonyarara hangu.
Mukadzi akatanga kuuya netaxi daily nemapaper bag full of groceries, taxi yoridza huta ouya oti; “enda unotora mamwe mapaperbag mumota uko, hausi kuona kuti ndakaremerwa uchitadza kunditambira?” Ndainge ndakuita kunge muranda kutaura chokwadi, shuwa mudzimu wakandipa chironda waida kuti ma green bhomba andiite party. Ndaiti ndikabvunza kuti ko zvapari pakati pemwedzi mari urikuiwana kupi yekutenga zvese izvi, aingonditi iwe iHarare ino inoda kuchangamuka??????
Mazuva iwawo ndoakanga ari ekwaMarange kuma diamonds. Ndakagaya dhuu, ndikati sezvo basa riri kunetsa and ndikada kumirira kuti kuwana basa rema Degree edu aya nesichaz yepa den pangu umm panga pakaipa so ndakati regai ndiende kwaMutare.
Hama dzangu vakafa havana chavakaona; taigara musango, food yaiva maputi kana ma bhanz ne freezit. Apa taigara munhu uine foshoro nesaga rekuti kana ava mahusiku taitaimira paye topinda kunochera ivhu racho rataiisa musagi tozosarudza kwachena. Kana une luckywo ndopawaizowana dombo wonotengesa, waigona kuita kana mazuva usina chawawana, kozoti waigona kuti ukawana dombo,ukaonekwa nemamonya magombiro aikutorera futi. I remember umwe musi ndakangotanga kubuda musodzi ziso one, neshungu nehasha kuti chandakatadza pasi pano chii nhai veduwee ndainge ndawana zidombo ndokutorerwa nemagombiro nxaaaa??
Problem kwaigara kune mapurisa, dzimwe nguva vainzwawo tsitsi vongoti endai munochera, asiwo kana mashefu avo achiuya chaibva chachaya, ipapo chero pfuti dzairira. Rimwe day ma shifts akachinja hatina kuzviziya, kwakaiswa maBlack boots zvikanzi “operation pfurai vanhu vabve vese”
Musi uyu was my first time kunzwa pfuti ichirira bara richidarika nemuvanhu, pakaita batai batai, muface wandakaenda naye pakaridzwa pfuti akabvarurwa dumbu iri, ropa soo, imi. Ipapo ini ndakangopotswa ndobva yangopferenyura zheve, ndakabva ndanyorovesa mabhurugwa, ndakapotsa ndazviitira manyoka.
Ndakamhanya ndakananga kune road, ndokutoti kamari kandaiva nako better kudzokera kumba, apa hapana kana chandainge ndawana , yaingova iri nyaya yekuti semunhu ane mhuri better kutsvagawo chauviri asi yanga iri hapana hapana.
Ndakadzokera kuHarare kumba and ndakasvika ari mahusiku, ndichisvika ndokusvikowana mukadzi akarara nechikomba mumba mangu pamubhedha wangu!!!!!
Co-authored by Born Erectus and Lovely Rutendo Nzira.
Adverts Here
Adverts Here