Stories By Lovely Rutendo Nzira : Imba yasisi Anna yaive kuMucheke D, it was a 4 bedroomed house, mubedroom masisi ndomaive nebathroom and ...
Stories By Lovely Rutendo Nzira: Imba yasisi Anna yaive kuMucheke D, it was a 4 bedroomed house, mubedroom masisi ndomaive nebathroom and toilet chete, vamwe vatatu vaishandisa common bathroom yaivemo.
Vaigara vari 4 single ladies vane mabasa avo mutown muMasvingo. Sisi Anna vaive nurse, Tsitsi aishanda kuBank, Rachael aive kuPost Office uyu Ratidzai ari Secretary kumaLawyer. I cannot say these ladies were friends, each of them had her own friends who would visit once in a while, but they had a good understanding, peace and harmony pakugara vese kwavaiita.
Vaiita duties to clean inside pavaishandisa vese like the passage, kitchen and bathroom, asi panze sisi Anna saLand-lady vaizodaidza munhu aizotsvaira kana pazonyanya marara. From the 1st day she offered me her bed, kuti tirare tese, it was a queen size bed but ndakaramba, ndakawaridza pasi paive necarpet dziya dzinonyudza gumbo semujecha. It was very comfortable for me, better than rough cement yemukitchen mambuya mai Chomu. Apa ndaive ndapiwa blanket rangu 2 in 1, neduvet nepillow, whereas kwambuya mai Chomu even rupasa rwaamai vangu vakange vanditorera, ndairara ndakatsamira gokora richitota nemisodzi usiku hwega hwega. Asi mukoma wangu uyu ange akaoma, aida kuti ndigovane naye everything that she had, so she later bought a single bed ndokuisa in the same room.
The first week pandakasara pamba apa ndega ndaizomuka sisi Anna vabuda kare kare ndoita cleaning. Kurara uku kwaive nepaviri, kuzorora nyama chaiko, ndakange ndakaneta nyama nemweya pandakasvika pamba apa, kuneta kushanda kwandaiita pamba pambuya mai Chomu, ndobva ndarara at most 4hrs, so apa ndairara dzedanda kumuka kwaedza kuti hwee. Uyezve I was now stress free so ndainyatsorara apa dumbu rakagutisa nezvaikangwa nasisi Anna zuva nezuva. Mamwe matengero echikafu ndakaona kwange kwave kuitira ini nekuti ivo vaisadya sezvo vaiswera vasipo. Ko nekutopopoterwa kunzi ko juice ichirimo unoti ichanwiwa nani, are you not the baby in this house….
When My God... When? |
Mubvunzo wangu wandaiti kuna Mwari when my God when, wange wondinyadzisa, ndaikumbira ropa raJesu to delete that question. Ndaisafanira kunge ndakabvunza Mwari zvakadaro, He is a God of order, vakange vandirongera zvakanaka. Mwari vakange varegera Chomu richishandiswa nasatani to push me to a better place. Pamba pasisi Anna ndaitukirwa kunzi waregerei kunwa tea nemazai kana neliver pawasara wega, kana kunzi wakanganwirei kuzora camphor cream paman’a ako ayo achipera uite mudzimai wanhasi anopfeka latest sandals ari open kumashure. Ndaichema ndichivanamatira nekuti rudo rwavo rwaipfachukira vadzimai ava vandakange ndapiwa neDenga.
Kubata bata mumba kwakambondinetsa, everything was just new to me especially the electric gadgets, all of them except light bulb remudenga ndorandakange ndaona in our classroom. Zvimwe zvese I could remember one or two of the things ndichizviona kudzimba dzematicha but from a distance. Apa ndange ndonzi ndichizvishandisa every moment. It looked like their whole life depended on these gadgets kungodai pressing iron, washing machine, hoover, microwave … the list is endless but those 4 things excited me the most. Kana vanogadzira vakaramba vachidai vanhu vachabuda mabasa nekuti zvese zvichaitwa nema robots, 21st Century chaiyo.
Kuswera ndakarara ndakakutadza, Tv yaivepo but ndaida kuona sisi Anna varipo because she would explain what was going on in the endless stories dzaibuda paDstv. Vatungamiri venyika yedu, veUK neAmerica vandaisingonzwa kuchikoro or kuverenga pamaNewspaper muSchool Library ndange ndoswera navo mumba, paDstv, ndichinzwa kuti nhasi Jacob Zuma andoona Obama. Ah zvainakidza kuziva kuti nhasi President Hage Geingob veNamibia vange vachisaina an agreement with the Japanese Prime Minister, Yasuhiro Nakasone-Kantei, nekutovaona, as it happened, maiwee ndoupenyuzve, ndainzwa kubudirira.
Kuziva kuti President Mugabe naFirst Lady vachaenda kuChina kuSummit rini ivo vasati vatosvikako, interesting. Vaizosara vosvikako Gire wamai Gire atoudzwa neCNN kare kare, fascinating. Madzikoma angu aya tried to lure me to Movies and Music asi CNN, BBC, Aljazeera, eNCA,neSky News were my style and my favorites.
I also liked TBN/FAITH Africa, gospel revarungu set me free nekuti range risina zveuroyi nemhepo zvakawanda seredu. I wanted to know Jesus, I did not care kuti muroyi wangu ndiani nekuti ndaiziva kare kuti ndimbuya mai Chomu nemwana wavo Chomunorwa nxaaa. I wanted to know what Jesus and the Holy Spirit can do in my life, I knew satan and his demons were in Chomu’s heart and at Sekuru Mukanya’s homestead so ndaisada more information about the devil.
When My God... When? [Chapter Three A] |
Mumba ndaitya hangu kubata bata asi panze ndaibata zvandinoda, ndakagadzira garden yemuriwo neyemaruva sisi Anna vakayeredza misodzi hugging me appreciating the way I had transformed pamba pavo. Zvekutamba neivhu ndokwaive kubasa and ndaizviita zvekuendera tuu. The first weekend she bought me a cellphone yavaingondifonera ivo vega, ko ndaive nani mumwe ainditsvaga? Vaifona vachindituma twekuita pamba kana mutown kana kumashops.
Everyday they would all find the house spotless, so sisi vakazoti kune mahousemates avo ndivaitire basa mumarooms avo vese, she asked all of them to leave their rooms open and their laundry kuti ndiite. I did it so well and never mixed up their things. Vese just agreed to pay me every month.
It was again in the 1st week that sisi Anna enrolled me for night school at a Private College, she paid my late exam fee and vainondisiya nekunditora paCollege pacho every day manheru 6pm to 10pm. My O’L evel dream was going to come true. Ndaiti ndikafunga sisi Anna ndaiumburuka pasi praising Jehovah, like what the Angels did in Revelations 4:9-11. Ndaitenda Mwari kuti I was living as my name was always confessing to me; by His grace. His grace was sufficient to me, nyasha dzekudenga dzange dzondibitiridza ini. Kana pandaifunga amai misodzi yaibuda asi yange yasiyana neyandaive nayo pandaive kumusha. Ndange ndisisina that painful feeling of fear and hopelessness.
Adverts Here
Adverts Here