Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 4]

Takanga tichitaura Kuti uchazoyeuka here kuti wako wekumba anodawo bonde rauri kupa kumunhu wekunze, uchaona kuti mumba zvinokunetsa nokuti ...

Takanga tichitaura Kuti uchazoyeuka here kuti wako wekumba anodawo bonde rauri kupa kumunhu wekunze, uchaona kuti mumba zvinokunetsa nokuti chasiyana inzeve dzokuterera nadzo. Dai wekumba aitawo nzeve akaterera nhamo yako dai iwe usina kuzoda uyu wawava kuudza nhamo dziya.

Kuzo svirana nouyu umwe zvabva paku nzwisisana pakutaura chete, asi iye achati waka pusa saka vanhu dzidzayi kutaurirana nekoterera mumwe wako.

Kana waita nhamo mumba chinhu chakanaka kugadzirisa nhamo yako nomukadzi/murume wako nguva ichipo. Nzwisisanai pakutaura mumba menyu pahuviri hwenyu. Zvese zvaunoda kuudza wekunze uyu udza murume/mukadzi wako, Mapedza varaidzanai nekuSvirana munoto rara hope dzakanaka dzehuMambo.
Mangwana nderimwewo zuva rine zvarakakurongerai. Pamwe nhamo yenyu inoita shoma.
Gadzirisa nyaya dzako paunotangira kudziona kuti dzaita nyaya. Kana uchida mukadzi/murume wako, kana uchida muchato wako, kana uchida mhuri yako, ronga nezvemari yomumba naye muri MuRudo kunyanya.

Makore ekuroorana munyika seSOUTH AFRICA, AMERICA neUK average yemuchato makore mapfumbamwe kusvika pamakore gumi nerimwe.

Zvinonzi matambudziko anorambanisa vanhu anotangira pamakore mashanu uye vanhu vane matambudziko awa panguva imwe neimwe vanosvika 60% yevanhu vakaroorana. Zvinonzizve kana ukakwanisa kupfuura makore 10-14 wakaroorana noumwe, munenge mayambuka panogozha chaipo.
Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part  4]
Izvozvi tiri kutaura nyaya ino, pane vakawanda vanhu verudzi rwedu vari panyaya dzaka vaomera mudzimba dzavo. Vamwe vavo vachitadza kudzigadzirisa vagopedzisira varambana. Asi mukatarisa nyaya dzavo padzakatangira uchaona kuti dai vakadzigadzirisa kare dzaigadzirika uye dzange dziri dikidiki.

Saka pano tiri kuti mari inonetsa chose mumwedzi inoti December, January, February, asi kana mukaronga nyaya yenyu mese pamwe chete, mukawirirana, hapana anozokwanisa kupopotera umwe kuti atadza ichi kana icho. Munotokwanisa kuunganidza ruzivo pakubhadhara zvikwereti zvenyu. Kana tsamba ikabva kuBANK ichikuudzai kuti matadza kubhadhara uye masara nemazuva manomwe, munoronga mese zvokuita nayo nyangwe kuronga pamwe mazuva ekutumira mari kumusha pasina kuti kwangu kuno kosha kudarika kwako.

Mukawana mukana wekukwereta kubva kushamwari kana hama, mese menge muchiziva zviri kuitika.
Munhu wawakaroorana naye ndiyo shamwari yako hombe munyaya dzese. Dambudziko ratinaro muvanhu wekuZimbabwe vari mune dzimwe nyika nderokuti vamwe vavo vakarorana nevanhu vemamwe marudzi vane maitire akasiyana needu.

Tito wakaroorana nomunhu wekuKenya kana Nigeria kana England, kunzwisisa kwake panyaya dzezvikwereti kwakangofanana nekwedu. Kupopota kwake kwakafanana, Kutyiswa nenyaya dzinodzingisa pamba kwakafanana. Chingasiyana kunzwisisa zviri kuitika kumusha uye kuti mari yokuzama kuzvigadzirisa inobva kupi.
Kana iye ane nhamo dzakewo kumusha kwake anenge achidhonzerawo kwake zvinokwanisa kuwedzera kupopotedzana. Chikuru kugaronzwisisa mamiriro akaita kumusha kwako kuti kana uchitaura noumwe wako utaure uchiziva kuti zvinowedzera nhamo ndezvipi.

Kuvaraidzwa neMboro/Beche chinhu chakanaka chose asi ngazviitwe pauviri hwenyu mumba menyu, kwete kunotsvaka umwe munhu wekunze. Kana ukaona murume/mukadzi wako asingakutereri, kana kukunzwisisa, tsvaga hama, Sahwira, munhu achembera, kuti akuyananisei, kwete kunoudza umwe munhu anokwanisa kukuhurisa hanzi usade kunyengerera iwe uchizvi shandira ita zvekumba kwenyu first iyi inyoka yatadza kugadzirisa zvemumba mako iri kuda kuti usiye imba yako iwe uchida zano rekumisa imba yako.

Kana pasina wekuudza akakodzera, Nyorera umwe wako tsamba averenge ari ega mumba imomo zviri nani. Kana umwe wako akuudza zviri pamoyo pake kana kuti akupopotera nenyaya yamuri mese, zama kuzvibvunza kuti zvaita sei, ugozvipindura wega kusvika wanzwisisa kuti zvaita sei.
Kana watadza kunwisisa, kumbira nguva yokutaurirana. Pakutaurirana tanga nekuudza umwe wako kuti unomuda asi unoda kuti nyaya igadziriswe. Muudzezve kuti unoda kutaurirana kwete kupopoterana.

Musadherera nyaya dzemari kudziita dzisina maturo mumba. inyaya dzinotokwanisa kukuparadzanisai zvekusvika pakuvengana chose imi mange muchimbodanana.
Kana mari ikaita shoma mukasashandira pamwe chete, munokasira kupokana mopedzisira pasisina ane hanya noumwe vamwe kutorwa neNYAYA yemari kuto kuvadzana.

Tosanga zvekare naTete MaNyati muzvikamu zvino tevera zvekumisa Dzimba ndatenda.
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place