Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Ndopakatangira Musikanzwa... Maiziva Here? [Part Three]

Ndakazomutswa namadam ivo vatopepukawo zvavo zvikanzi; ‘Iwe Hondo, chibuda uyende daddy vanouya manje so.’’ Ndakati kwanyanu kwakungokanda ...

Ndakazomutswa namadam ivo vatopepukawo zvavo zvikanzi; ‘Iwe Hondo, chibuda uyende daddy vanouya manje so.’’ Ndakati kwanyanu kwakungokanda kanda mbatya pamuviri ndakuda kunyahwaira ndichibuda. 

Ndakapihwa kakiss kepadama ndikambomira ndakavatarisa ndichisekerera. Madam vakasekererawo ndichiona mazino avo ainge akachena kunge mukaka. Ndakabva ndaviga angu nekunyara because ainge ave nemwedzi yakati kuti ndisati ndamboakwesha nechitanda. Ndakangozozhinyurira pasi pasi ndofamba zvangu ndichibuda.

Ndichingonoisa musoro musitting room dhuma dhuma maziso naboss vagara zvavo pasofa vakanditarisa neziso rainge rakatsvuka ropa.. Tsinga dzemusoro dzakaita kuruka musoro wavo waiva nezuda dzakazvimba. I freezed liked a scarecrow in deserted fields. Ndakambofunga kuti kwaive kurota here, or what kind of a joke was this?

Murungu haana chaakataura, ini handinawo kana kukwanisa kusimudza gumbo kuenda mberi kana kudzokera shure, ndaita iya inonzi nemauto stand still. Muviri wangu wakapindwa nechando zvaiita sekuti ropa ranga ramira kufamba here, kana kuti moyo wanga wamira kupomba handizivi kuti chii chainyatsoitika. Muroyi kuroya unotombohukurwa nembwa chete vakuru vaigara vakazvitaura, hezvo kutanga, first time in my life kurara nemukadzi wemunhu ndabva ndabatwa red handed ndichibuda mubedroom. gwikwikwi chaiyo kubatwa kwemuroyi murima.
Ndopakatangira Musikanzwa... Maiziva Here? [Part Three]

Izvo baba vangu vaPfaure vaigarondiudza; ‘Mukadzi wemunhu haabatwe mwanangu, mukadzi wemunhu rufu rwunofiwa munhu akanyenama. Usazofa wakabata mukadzi wemunhu nyange akuise pamiedzo yakaita sei, nekuti akafanana nenyama iripachirauro. Kana hove isina kuvhura muromo wayo haibatwe nechirauro, asi iyo yavhura muromo ndiyo ichava usavi hwemuredzi.’’ Vaiita ekuimba mashoko aya vachitiudza sevana vavo vakomana. Taipedzisira taakuita chorus navo kana vangotanga. Ndakabva ndangoona chiso vhavo takamira pamutanha wemajanga emombe vachidetemba mashoko aya. Sezviya zvaiita sekuru Muzee vachitirovera Nehanda Nyakasikana takagara zvedu padare pavo kana vabva Harare.

Hanzi ndamba kuudzwa anoonekwa neropa kudonha!! Ndakange ndazvicherera rangu rinda nekuda kwekusateerera mashoko evakuru. Dai ndakange ndangoitawo saJoseph wemubhaibheri hanti ndaidai ndisiri pano apa. Ndakaona rufu, ndikaona Satani akabata makeys egomba rakanga rakadzika kwazvo muine moto wesaferi, ndichikandwa imomo nekuda kwezvivi zvangu. Because kwandiri kana irinyaya yekufa apa it was given, ndange ndatofa nekuti ndaizviziva kuti murungu wangu pese paanogara, chero akapinda mutoilet chaimo anenge aine kachigumbo kehuku kanenge kaine mabara 7.

Ko ndakange ndakanganwa zvese izvi Seiko? Why? Why didn`t I remember kuti my boss was a politician? Why didn`t I remember that my boss aive nembiri yekuuraya vanhu? Ko Seiko? Sei chaizvo ndisina kuzvirangarira kuti pavakatora mukadzi uyu vakatomutorerawo mumwe muzvina business asina kuzoita mazuva akazowanikwa akapondwa kumakomo ekuEastern highlands? Ndakanga ndaitei nehupenyu hwangu chokwadi? Ndaifunga zvese izvi ndichiita kunge ndairota asi ndakatarisana nemurungu achidzungudza musoro maziso aiita kunge ropa. Aisagona kana kutaura nekudumbirwa nehasha. Pakatsamwa munhu hauudzwe, unongoona wega nesituation kuti hapasisina kumira zvakananka.

Dai paingoita chishamiso chekuti pasi panongovhurika ndobva ndanyura povharika ndaizofara kwazvo. Zvaive pachena kuti boss vakange vapinda mubedroom mavo vakaona mashura akange aiitwa naHondo mwana wekwaPfaure pamubhedha pavo. ndinodaira kuti vakasvikoona zvakare marariro atange takaita mubathroom.Kumashure kwangu ndaitonzwa madam varibusy zvavo kugeza vachiita kuimbirira nemchimuridzo. Kana kumborota zvavo kuti kunze kunei. Vaisaziva kuti kunze kwangange kwadoka masikati machena. Ava ndovaiva mudenga rechinomwe ndichinzwa mvura iri shwaaaa apa kamuridzo ke satsifaction kachirohwa haikona mhani.


Ndakambofunga kuti ndodzokera mumashure ndivhare door ndotsvaga window rekubuda naro, but ndakarangarira murukirirwo wakanga wakaita imba yavo nemaburglar bars ndikaona kuti panga pasina changu. Imba yacho ndimwe yedzimba dzine maximum physical security features. Apa zvino ndange ndangotuzurirana maziso nemushandirwi wangu. Akanga adnitorawo kumusha kundiunza kudhorobha achindihoresa kupera kwemwedzi woga woga. Ini tsvee zveloan nemaruva ndakunwa pastime ramambo. Haa iyo weti yanga yandiparira, dai ndaa ndanga ndisina kuzobudisa zidanda rangu pachena pasina zvose izvi.

Murungu akavhura bag rake raiva patable akabudisa pfuti yake akaisa patable akanyarara. Ukuwo madam vanga apedza kugeza pavanga vakucrosser kuenda kuwadrope yavo vakatoshamisika kuti ndakanga ndakamira padoor namanje. ‘’Ndozvakaipa kuradza chembere muto wegwaya, inenge yoda kutofira mumvura. Ndati chienda uchabatwa uriipapo varikuuya manje manje. Wanakirwa hauchada kuenda kikikikiki” Vaitaura zvavo vachitozora mafuta apa zvose zvavaitaura murungu aizvinzwa.
Ndakanzwa hura hwangu huchisumuka kunovhara mapapu, muviri wese uchimera mapundu. Ndakanga ndichida kuti I am sorry sir but I remember kuti ndakangoshama muromo asi hapana inzwi rakabuda mumuromo. Dai vaiziva kuti it was possible kuti ini naivo tese taizenge tave zvitunha munguva shoma yaitevera vaisataura zvavaitaura izvozvo. Madam pavakange vakunotorawo something the other side of the bed, ndopavakati dhuma dhuma nebhachi rashewe ravanga vaenda kubasa vakapfeka riri pabed pamusoro panight dress range rakapfekwa namadam ndisati ndavashandira. Vakabva vangoziva chikonzero chakange chaita kuti ndirambe ndakamira padoor. Mufundisi Dzindi Stories
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place