Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

My Sister... My Advisor [Part 4]

Stories by: Rutendo L. Nzira : EDITED TO CONCLUSION... Mari inoita kuti zvinhu zvive nyore so munoziva.  That month ndakaenda kumba ndika...

Stories by: Rutendo L. Nzira: EDITED TO CONCLUSION... Mari inoita kuti zvinhu zvive nyore so munoziva. 

That month ndakaenda kumba ndikanotaur a nevakuru kuti zvangu naPeter hapachina. Vakatuma munyai kumba kwavo negupuro reUS$5. Ndakanoyeneka vamwene vangu but since tisina kumbonetsana takataurirana zvakanaka, muzukuru wavo taizochengeta tese pange pasina estate or custody issue. Marriage yacho yakatangawo nekutaurirana nenhumbu hapana zvihombe zvakaitwa, yakangoperawo nemashoko neimwezve nhumbu.

Takazoenda kumba kuMasvingo kuti Xander andoroora, sisi vakaenda nemurume wavo. Pagore nehafu dzandakadanana naXander havana kumbosangana nasisi vangu, mazuva ekutanga sisi vaida kumuona asi ndakavaudza kuti chikomba chati ngatifumukei usiku mumagumbeze kwete masikati machena, vaiziva kuti ane mhuri yake so chavaida kutaura naye vachinyepera hwumaiguru chii. Yakabva yafa yakalodha
My Sister... My Advisor
So musi wekuroorwa kwangu, vakadzi taive kukitchen tichibika, bamukuru, as expected vakandojoina mukwasha mutsva kwaaive nemashamwari ake kunze kwemusha. Pakatanga munyai maintroductions chaiwo, mulounge makaita mhere mhere vana baba vachibhonga nekushamisika, ndikaziva zvangu kuti chabvondoka. You don’t call me Scandalous Susan for nothing. Takadaidzwa tese. Nekuti ndairoodzwa nanasekuru kwandakarerwa, sekuru vedu vadiki ndovakati;
“Ko mai Kudzie sei kusatitaurira kuti wafunga kuita barika nemunin’ina wako?”
Mai Kudzie havana kunzwisisa, vakaramba vakanyarara, sekuru ndokuenderera.
“So vakwasha vataura chokwadi kuti maiguru havazive, mai Kudzie murume wako uyu, baba vaKudzai, Alexander Shumba ndiye auya kuzoroora munin’ina wako”.

Mai Kudzie dzakabva dzafenda. Ko zvavaindikurudzira zvese, ndiani mukadzi wavaida kuti azofendawo so? But you people, honestly tell me, ndakakanganisa papi? I just followed my sister’s advice to the dot, ivo vaive kumberi naAlex ini ndiri kumashure naXander …..

Pakamboita mhere mhere amaiguru, amai vasisi mai Kudzie vachipopota, vanasekuru vakazoti madzimai ese tibude, vakasara vakabvunzana, bamukuru vakataura pachena kuti ndozvaivepo hapana munhu aivarambidza kuroora mukadzi wechipiri, kana mai Kudzie vaisada barika vaigona kutosara zvavo musi uyoyo. Pfuma yakatambirwa asi zveCelebration zvaisaita amaiguru vainditarisa neziso reruvengo.

Sisi vakaramba vakarara mumagumbeze zuva rese, vakatadza kubuda mumba mamai vavo. Pazvakapera Xander akati ngatidzokerei Harare pange pasingachagarike nekuti vakuru vaive nemixed feelings, vamwe vaisave nehanya nazvo ko kuroorwa kuroorwaka, vamwe vaindiona semuroyi, huku yakatsutsutira payaidyira. The judgement was bad I had betrayed vanhu vakandichengeta, asi ndange ndisina basa nazvo handina kumboti sisi varambwe ini, ngatigarei tese pamurume, ndoita small house upenyu hwese kuti handidewo here kunzi officially Mrs Shumba Ndakange ndatopinda, taizoonana pavaiuya kuHarare.

Ini ndakadzokera kumba kwandaingogara kuBudirio, I did not move in mumba mavakoma. Vakazotevera after a week, vakandivinga ndiri ndega, iniwo ndakange ndakavamirira. Kubvira musi wandazvipira kudanana nemurume wavo, ndakange ndichiziva kuti day iri richasvika, when we will face each other tichitaura nezvekusheya murume izvi, handina kuvatorera murume we were just sharing.

“So iwewe what’s your story. After all ini namai vangu did for you, is this the thank you I get?” Mai Kudzie vakadaro. Ndakamboramba ndakanyarara. Ndaisada kutukana navo. Vakaswedera kwandiri ndokuti;
“Susan, what’s your next evil plan against my life?”
“Nhasi maiguru muchiri kutaura zvakatopfuura izvo, ko ngatitambei iri kurira. Ndatoona mauya ndikati mauya kuzonditambira mumusha ini, apa dai tave kutotaura duty roaster kuti tochengeta murume sei. Takamuitira noise anotora wechi 3, kana atotanga so, ah atove ne experience hazvichatoperi, tinoita 3, 4, 5.”

Mai Kudzie vakaramba vakashama muromo vachibvunda nehasha, I was enjoying this scene, I was so confident of myself, vese mukadzi nemurume were putty in my hands.
“Iwe Susan mwana andakarera, mwana angadai akakandwa mubin chaimo ndiwe unotaura neni so? Seriously?” apa vakandidenha.
“Ah makufarisa manje, zvekurerana nemabin zvabva kupi? Inga ndati ngatitambei iri kurira. Kana mada zvename-calling nekuudzana kwatakabva ngatichidaidzai murume anzwe zvese. Foto yamakanditumira muri kuJameson makasimudza gumbo muchivhaira neLingerie yakatengwa naboss wenyu ndichiri nayo. Pamakaenda kundotenga flat screen yenyu ku Jorburg makafamba sei? Makadzoka rini? Makadzoka kumba musi wamakasvika muHarare here imi? Saka chinokurambisai nemurume wenyu ndini here or chihure chenyu mega? ”

Ndaifunga kuti vachapindura asi havana, ndakati; “Since day randakakuudzai kuti ndine chikomba chinonzi Xander, makamboona ndine mumwe murume here inini? Saka who is Mr Shumba’s faithful wife ini nemi?”
Mai Kudzie vakabva vagara pasi. “Where do you think I got the guts yekuve nabamukuru and not vaMahari kwamaindisaidzira? Chihure chenyu vakoma ndochakaita kuti nditadze kuremekedza babamukuru. It’s that simple. Chihure chenyu chakaita kuti ndione kuti hamuna hanya nemarriage yenyu. And now instead of worrying about me naXander, why don’t you get comfort from your boyfriends mune 3 zviya handiti? Ndimi muchatipa AIDS imi in this marriage maiguru.” Ndakadaro ndokuenderera ndichiti;

“Musandituka, musandinyeye nemadzimai enyu kuchurch uko muchinyepera kuti ndini demon mumba menyu. Respect me and I will keep your secrets.” Ndakazodaro.
“Watora murume wangu, and unotaura like that to me, apa you are blackmailing me??” sisi mai Kudzie vakadaro misodzi ichiyerera.
“Or set yourself free from me, go and confess kuna Xander zvese zvandinoziva, and also tell mai Mahari your all time advice to me, then mozouya mondiudza hunherera hwangu nezvese zvamakandiitira.” Ndakadaro.


Mai Kudzie vange vapusa, vakabva vati,
“Ok ok mwana wamai vangu, all we want is peace, iwe gara pano, ini ndogarawo kumba kwangu. Ngatisiyei nyaya dzese dzakaitika kumashure. Asi always remember maiguru ndini, unoterera inini, zvekurwa nekutukana nekutaura tumwe tusina maturo ngatisiyanei nazvo.” Vakataura vakatsikitsira vasingade kusanganidzana maziso neni.

“Thanks maiguru, I knew you were smarter. Mundoudza murume wedu auye ndoda kuenda kubaby shopping. And hameno zviri kuita maHormones angu nenhumbu iyoyi, ndiri kuda bonde seimbwa iri paheat, so this week mombotipawo mukana” Ndakadaro ndichida kuti vachienda.
Vakasimuka ndokudhonza makumbo avo vachienda.

This is how we lived with my sister, my advisor, takaroorwa nemurume mumwe chete. Takagara zvakanaka, hatitukane hatinyeyane. Vanoona vanoti kuwirirana asi maya, kuzezana chete. She doesn’t trust me, I don’t trust her vangangondiuraya anytime, I hold the keys to her marriage…. 
But now 5 years down the line, barika redu riri “peaceful” riri kufaya. END OF STORY
Stories by: Rutendo L. Nzira
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place