Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

When My God... When? [Chapter 6]

Stories By: Rutendo L. Nzira : The trip from Harare to Windhoek was exactly 24hrs via Botswana. Takabuda muHarare from 4th street terminus...

Stories By: Rutendo L. Nzira: The trip from Harare to Windhoek was exactly 24hrs via Botswana. Takabuda muHarare from 4th street terminus at 10am, mangwana acho 10am tange tave paSoweto market in Windhoek. 


It was a clean city, musina marara kana vanhu vanongofamba aimlessly like street kids or the mentally challenged. What I first noticed was dressing yevakadzi, Namibian women, haaa vaishama zveshuwa, apa their feminine assets ange aripo kwete mbichana, a bit more exaggerated than us. Asi hapana hwindi airidza muridzo or kudambura skirt, varume vakaregererwa vanozviitisa sometimes. VaGono vakati ndigare patuma shades twaivepo vachifonera my Windhoek boss. Ndakagara for more than 1 hour vachibva vazouya kuzonditora. VaGono vakandidaidza paside ndokuti; “Wondoshanda zvakanaka, kana paine zvanetsa wondiudza,” vakanyora phone number yavo pakapepa ndokundipa.

Takabva tazopinda mutaxi namai Taonga toenda kumba kwavo kuKhomasdal. Vaigara muCottage, muMain house maive nemaNamibians verudzi rwechiOshiwambo. Takawana mwana wavo Taonga ana mbuya vake mai vamai Taonga, vakange vakarara pasofa. After all introductions vakazoti;
“Ndanonoka kuzokutora ndange ndaenda namai vangu kuhospital, vanorwara, ndozvandakanyanya kukudaidzira kuno. Ndaisigara naTaonga tiri vaviri achienda kuchikoro ari grade 2, asi amai vangu vari kurwara vanodawo anochengeta.” Ndakangogutsurira, “Ini ndoshanda paPrivate College mutown, iyezvino zvinhu zvakandiomera as you can see, I am a single mother ndochengeta amai vangu nemwana wangu ndega. So mari ndokwanisa kukupa N$500, yakafanana ne 500 rands, marands chaiwo ekuSouth Africa.” Hana yangu yakarova, ndaida kuzoita chikoro, Degree or course asi mari yavange vataura yaizokwana here?
When My God... When?
Vakazoti; “So what we are going to do is, kana ndisingaende kubasa I give you time yekubuda uchindotengesa zvimwe zvinhu zvako. I will introduce you kune mamwe maZimbabweans ari muno vari kutengesawo, vachakuratidza zvekutenga nekutengesa.” Eish, I had not expected this but ndozvange zvavapo. Vakapedzisa vachiti; “unenge uchigara pano usina expense yefood nerent so mari yaunotengesa ndeyako uchatoona kuti uchaita mari yakawanda ndikatozokukweretawo.” Vakabva vaseka havo. Vakazobika havo ndichirongedza zvinhu zvangu nekuzororawo.

She was a very nice woman, vaive free chaizvo, after an hour mumba umu tange tototaura as if tave negore rese tichigara tese. Yaive 2 bedroom cottage, ini ndairara naTaonga ivo vachirara namai vavo sezvo vairwara, vaipota vachimuka usiku vachinwa mishonga yavo. Manheru aya pakabva pauya mamwe madzimai maviri vaizoona mbuya vaTaonga.
“Grace ava ndiDiana naNelly. Ndovandaikuudza kuti vanotengesa muno muWindhoek. Uyezve vaimbondibatsira kuchengeta amai iwe usati wauya. So pese paunobuda unenge uchifamba navo. Kana uchida kuenda kuMasowe unoenda ndovanoziva kwaanoitirwa kuKatutura. Katutura ndoMbare yemuno”, vakaseka mufananidzo wavange vapa. “Ini ndopinda Roma, asi ndinopota ndichienda kuMasowe kundobatsirwa, zveupenyu zvinoda kubata bata kwese.” Handina hangu kupindura asi ndakati for now ndaimbozoenda kuRoma kwacho kwega kusvika ndazoona kuti ndodii futi, time was going to push me in the right direction.

Madzimai aya vaiita nyaya nambuya vaTaonga sezvo vakange vashanyira kuzoona murwere. Pavakabuda ndakabva ndanzi ndinotenga chingwa ndichivaperekedza.

Vakabvunza zvekuda kuziva ziva about my life, ndakadavira as little as possible, Diana akabva vati; “Haa, mai Taonga munhu ari bho, unogara zvakanaka. Sezvo uchida kutengesa tokwanisa kukubatsira kundohodha stuff yacho, zvimwe totenga South Africa zvimwe kuOshikango town boadering Namibia and Angola. Tozokuratidza kwekutengesera toenda mudzimba nemumaOffice emaNamibians. Asi unofamba wakangwara nekuti this is an illegal business. ” ndaive nemubvunzo asi ndakati ndozozviona mumwe musi.

Nelly akabva vati; “Iwe Diana ngatiudzei mwana chokwadi. Grace zvako iwe murungu wako haasi right, haabhadhare uyo ndosaka akashaya musikana anomuchengetera amai vake Namibia yese,” vakapofoka kuseka vachirovana maoko.
“I qualified professional rinorarama nezvikwereti zvedu isu makorokoza. So uchenjere kana wotengesa usamupa chikwereti haadzose. Furniture yese iri mumba make zvikwereti zvega zvega. Ipapa atopfuura 5 years achishanda muno asi haana kana mota ”Vakasekazve. Ndakangoramba ndakanyarara.

Diana akabva ati; “Zvakwana iwe Nelly, Grace zvako iwe, murungu wako haana hake mari ende ane hupenyu husina kurongeka asi hazvinei newe, iwe wakauya kuzotsvaga yakowo mari kuno, ita izvozvo. Tenda Mwari kuti wakawana mumba mekusvikira, vamwe vanosisvikira paSoweto paye vasina kana kwekunanga, vorara panze kwemazuva. Saka iwe ignowa zvisinei newe. Asi usape mai Taonga mari, haidzoke wena.” Vakazondiratidza paive netuckshop ndikandotenga chingwa ivo vopindawo mutaxi voenda kwavo. Ndakashaya kana chekufunga pamusoro pezvandakange ndaudzwa about my boss. Zvisinei I decided to live one day at a time.

Mai Taonga vaive munhu akasununguka zvaifadza, nyaya vaitaura chaizvo. Taigara sehama nehama, takapedzisira tozivana upenyu hwedu hwese. Ndakazotenga imwe cellphone ndikaisa number dzamai Taonga, vaGono vecombi nemadzimai maviri aye, ndoyaive contact list yangu. I scrolled down list iyi misodzi ikazara mumaziso ndichifunga zita rakanzi Sisi Anna +14033------ ndopandakaperera, ndakange ndisingachazivi asi I decided to save it like that, ko fone inoramba here kutora zvawanyora pairi.

Mbuya vaTaonga vaienda kuWindhoek Central Hospital 3 days pavhiki yega yega. Pandakagara navo ndakaona kuti vairwara sezvakange zvaita amai vangu. Vaive nekurwadziwa muhapwa, ukabata zamu ravo you would feel zibundu, uye zamu range rakatsvuka richiita kumenyeka, uye munyatso wacho waive nemapundu avaitadza kukwenya uchibuda urwa hune ropa, kana kunhuwa kwacho kwakandifungidza mai Gire.

Pane pandaipota ndichivabatsira kugeza, ndakarohwa nehana kuona kuti zamu ravo raive exactly zvakange zvakaita ramai vangu. Ndakatanga kushungurudzika again, why was this pain coming back in my life for the second time? Zvakaisa fresh memories dzekurwara nekufa kwamai vangu. Kugomera gomera kwambuya vaTaonga kwange kwondipinza chando mumuviri mangu. Asi zvakaita kuti ndiswedere padyo navo, nekuti ndakavachengeta nerudo as if vaive mai vangu. Ndakange ndaona mai vachirwadziwa kusvika pakuedzerwa vakagara, ndaisada kuti ambuya ava vadaro. Zvambuya vaTaonga zvaive nane vaienda kuhospital uye vaive nemapiritsi emhando yepamusoro avo avaipiwa muNamibia, asina kumbonanzviwa namai vangu.

Mumwe musi ndakarongedza shelf yemuwardrobe paive nehembe dzambuya vaTaonga. Ndakabva ndasangana necard ravo rekuhospital, out of curiosity ndakavhura ndikaverenga, range rakanzi;
DIGNOSIS: Non-invasive breast cancer - Lobular carcinoma in situ - cancer still inside the lobules. Pre-cancerous stage. Cancer cells have not spread outside their place of origin; can eventually develop into invasive breast cancer.

TREATMENT: Assess patient for;
SIMPLE MASTECTOMY - remove the lobules, ducts, fatty tissue, nipple, areola, and some skin.
RADICAL MASTECTOMY - remove muscle of the chest wall and the lymph nodes in the armpit. 

Prepare patient for surgery in 14 days.

Ndakadzokorora katen – ten ndichida kunzwisisa, ndakange ndambozviverenga kare ikako mai Gire vachangoshaya zvakadai izvi. Ndakabva ndabudisawo card ramai Gire ndokuverengazve, rakange rakanzi;

DIAGNOSIS: Invasive breast cancer - the cancer cells have broken out from inside the ducts and invaded all surrounding tissue. Metastasis to bones, liver and lungs? Assess patient.
Cancer cells have spread to the blood stream and the lymphatic system.

Patient has 7 days to live.
TREATMENT: Manage pain only.

Ohoo amai vangu vakange vauraiwa neBreast Cancer!!! Saka patakazoenda kuchipatara pange pasisina zvekuita yange yapararira kwese. Poor me, poor mai Gire, vakafa nechirwere chiri kurapiwa vamwe vakadzi vachipora, mai vangu kana kumbofembedza cancer treatment havo. Ndosaka mai Taonga vaiti amai vavo vari kupiwa mishonga kuti vagondoitwa Mastectomy – operation yekubvisa zamu racho. Ndakarwadziwa ndichifunga kuti kusaziva kwakauraya mai vangu. Haa ndosaka even shoko raMwari richiti my people perish because of lack of knowledge, true it meant to all aspects of life. Asi zvakandizorodza nekundipa closure.

Ndakachengeta mbuya vaTaonga throughout treatment yavo, vakandoitwa operation yavo successfully, I was happy for them mai nemwana vachipembera upenyu nekupora kwavo. Kwandiri zvakange zvaramba zvakadai.

Sekuronga kwakange kwaita mai Taonga, ndaibuda kundotengesa mudzimba dzevanhu, ndichifamba naDiana naNelly. Vakandibatsira chaizvo pabasa iri kunonditengera zvinhu zvacho, taitengesa mabroom, mamop, hembe chaidzo nemagumbeze. MaNamibians aya vaifarira kutenga nechikwereti saka taiita 100 -150% mark up and profit.

KuMasowe ndakaramba kuenda ndakatya kundoudzwa zvimwe zvitsva, zvaiita sekuti every prophet I meet ane nyaya itsva inoda kugadzirwa pandiri, iya yakatangwa poita sepasina zvakaitwa. It really confused me, and kugeza nemiteuro was a challenge to me, kuverenga mazuva, nekutaura taura nekutukirira ndichigeza was jail to me. I was asking God if there was any other way to get my salvation, freedom in Christ. Ndaitya kuita mistakes, kudarikira muteuro or kusanganisa muteuro wacho nezvisingafanire then my situation would be worse.

Pandakatanga kutengesa, mwedzi wekutanga ndakatenga zvemari shoma ndichida kuona kuti zvaizofamba sei. Ndakatengesa zvinhu izvi kwemwedzi mitatu nekubhadharwawo zvishoma zvishoma pamwedzi mitatu iyoyo. Ndakabva ndaona kuti zvedi zvaifamba and like what mai Taonga had said ndaitovakweretesa ndini.

Ndairamba sei ini ndaiona kuti mumba hamuchina kana chekudya apa vane mwana aienda kuchikoro aida kudya nembuva zvese. Ndaizotarisa sei mwana atadza kuenda kuchikoro nekuti amai vake havana mari yetaxi yaimuendesa nekumudzosa kuchikoro. Ndaitadza kuvapa sei ivo mbuya vaTaonga vairwara vachiri on a special diet? So taizotarisana here?

Kana paipera magetsi ndakange ndongoita top up ndakanyarara. R500 iya ndakaipiwa mwedzi mitatu yekutanga chete, pamwe pese vaingoti ndichaona. Vaive nemaAccounts kumashop ese embatya neefurniture, kozoti zvimbadzo, saka salary yavo, payslip paiuya pasina chinhu. Vaivezve neBank Loan yavakange vatora to pay her mother’s medical expenses. Nekuda kweizvi handina kunyanya kuvatsamwira nekuti vaisandiitira utsinye havo, she needed to put her financial life in order chete. Basawo repamba ndaiti ndikasvika pamba ndakaneta vaisambobvunza kuti dai waita icho. 

Taibatsirana, zvandagona ndagona zvandatadza ndatadzawo, I followed my own time table. Chavaingoda kuti one of us ave pamba panodzoka mwana kuchikoro uye murwere asasare ega.
So takapedzisira toita sehama nehama dzaigara dzese mumwe nemumwe achienda kubasa kwake. Pandakaona kuti zvekutengesa zvine mari, ndakabva ndatora mari yese yandaive nayo ndokuti half ndinohodherwa kuJohannesburg then the other half I ordered goods from Oshikango. Zvakauya zvese zvakanaka ndikafara chose, kana zvaizotengwa zvese, then ndobhadharwa ndaida kuzodzokera kumba ndonotora maresults eA’Level, kutora passport ndozodzoka ndotsvaga nzvimbo paUNAM, UNISA or any other College in Windhoek to study Social Work. Ndaizowanawo Study Permit ndofamba ndiri free in Windhoek kwete kuswera ndichisvetuka kutiza mapurisa and Immigration officials. Mai Taonga ndaisavasiya, arrangement yavo yaiita kuti ndiite mastudies zvakanaka naka. So I decided to invest my money yese zvayo yandakabva nayo kuBulawayo nekuMasvingo. Ndakasekerera pandaifunga izvi, I saw a bright future and the most needed change in my miserable life.


So musi wakauya stuff yangu handina kugara pasi, ndakatenderera muKhomsadale mataigara, ndikaenda kuzvikoro nekumaClinic maticha nemanesi both Zimbabweans and Namibians vakatora zvinhu zvangu. Diana naNelly vakange vandibatsira nemoyo wese, vainditengera zvinhu zvakanaka zvaive nyore kutengesa. Hapana chaitorwa cash, zvese zvaizobhadharwa in a couple of months, vamwe vaida in two months vamwe in three months. Vashomawo vaipa deposit. In 3 days ndange ndasara nezvishoma shoma. Ndakarara ndichiita calculation yekuti kana mari yangu yaizobhadharwa yese in the 3 months ah zvaizondiitira zvakanaka. Chikoro ndaizoita ndikapedza.

Pave pakati pemwedzi, ndakange ndasara nehembe shoma shoma dzandaitofamba ndakaisa mukabag kadiki ndichitengesa. Takati tave kudzokera kumba nevamwewo vandakange ndoziva vaitengesawo, pamberi pedu pakamira mota yeNamibia Immigration Services. Takatutwa tese tikandoiswa mumaCells pa Central police station. Hatina kana kupiwa mukana wekudzokera kwataigara. Ndaive nemari shoma yandakange ndabhadharwa musi uyu, necellphone chete. Manheru aya Mai Taonga vakauya nesadza kuzondiona vakati;
“Pane vamwe maZimbabweans vatsvaga lawyer anokwanisa kukubatsirai, asi anobatsira vane mapassport kuvabudisa nekuvawanisa maVisa. Vasina mapassport vese pane issue of overstaying and depotation. Wotombodzokera kumba tozoona kuti wodzoka sei.” Ndakaita sendichafenda. Mari yangu yese yandakange ndashanda in the past 2 years gone down the drain. Ndaifunga kuti ndaita investment izvo ndokutoparara kwangu. Maziso aipisa neshungu and confusion about my life.
Mangwana acho takapinzwa mumota yevasungwa ine twumahwindo twuya tudiki twuri kumusoro soro ndokundosiiwa kuVictoria Falls Police Station. Apa takapiwa tsamba dzekufamba nadzo mumabhazi mahara. I decided kumbondoona sekuru vangu Mukanya, baba vaChomu, I was so sure pane zvaida kugadziriswa muupenyu hwangu and sekuru must give me answers. 
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place