Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

When My God... When? [Chapter 5A]

Stories by: Rutendo L. Nzira: Pandakangoona kuti Auntie Star vaenda, ndakabva pamabhazi apa ndokundogara kwaitengeswa hembe, mari ndaive ...

Stories by: Rutendo L. Nzira: Pandakangoona kuti Auntie Star vaenda, ndakabva pamabhazi apa ndokundogara kwaitengeswa hembe, mari ndaive nayo asi kwekuenda again ndaive ndisina. 


Ndakatombofunga kudzokera kuZaka asi maExams aitanga neMonday yacho so even transfer yaisabudirira apa. Zuva rakanyura ndakagarapo. Madzimai aitengesa hembe vakatanga kurongedza tunhu twavo kuti vaende kudzimba dzavo, that included amai vepandaive ndakagara. Vakaedza kusunda bhara ravo richibva radonha masaga aive negoods ravo achiumburuka muvhu, vakambomira vakabata muchiuno vachigaya kuti vomera sei mamwe maoko echi four kuti two abate bhara two agobata masaga. So I decided to help her. Vakafara chose vakatenda, vakasimudza bhara ravo kuti vachienda ndikavamisa,

“Ndokumbirawo pekurara amai,” ndakadaro. Vakanditarisa kubvira kumusoro kusvika kuzasi ndokuti; “Wabvepiko, uri kuratidzika zvakanaka wange uchimbogarepi?”
“Basa rapera saka handina kwekuenda”
Vakamboseka zvakandishamisa ndokuti; “Ah handei kwandinogara hakoka. Zviri nane kundorara mukadumba kangu pane kuti ndizoona musoro wako wachekwa apa mangwana. Ndiri kutoseka nhamo yangu kuti ndine pekukuisa here mwanangu? Handei hedu.” Takafamba hedu ivo vachisunda bhara riye ini ndakatsigira kuti zvisadonha. Monarch rangu nehandbag zvaive kune rumwe ruoko.
Takafamba tichipinda deep inside Makokoba location, about 500m tichibva tasvika painge paCreche nekuti paive nevana 9 veAges 2yrs to 14 yrs. Amai vaye vakamirapo ndikati neniwo ndoda kumbozorora izvo kwaaniko, taive tasvika. Ndipo paive pamba pamainini mai Hazvinei ava. It was a house made of corrugated iron sheets, mukati was divided nemucheka kuti dzive 2 rooms. Rimwe divi kwaive kwekubikira nekurara vana, rimwe kwaive nemattress yairara baba namai vepamba apa. Ndakanzi ndigare pacrate yemascud yaive umu, ndoyaive chair yacho. I used to think kuti ini namai vangu we were living in poverty, aaah ndakange ndisati ndaona mhuri iyi, poverty yemudhorobha haiite kani.
Floor yavo yaive old carpet hameno kwayakange yanhongwa, kurara kwaive kuisa musoro muguruva chaimo. Kubika vaida huni, apa mudhorobha dzowanikwa kupi? Mvura paive netap panze yavaichera vakawanda apa sewage ichiyerera nepadoor paisukirwa ndiro. Kwedu namai vangu we did not have properties but our round huts were neat and tidy, chivanze taive nehuku but taitsvaira everyday paigara pakachena. Taive neblair toilet yaive kuseri kwemusha kwete izvi zvekudya wakaritarisa, kuenda kumusha motonzi titambirei vekutaundi ah! Kutonzi veBhuruwayo zveeeee mototi tasvika, ko kugara kumusha zvinei? We had our reliable source of water and firewood. I felt sorry for vana ava vanokurira pakadai, in these squalid conditions, ndosaka mastreet-kids aisapera, mustreet maive nane pane mumba makadai.

Mai Hazvinei vakadaidza vana vese ndokuti; “Ava ndisisi Giresi, vakwazisei mese muvabvunze kuti makadii,” twese twakauya ndokundikwazisa.

Vakabata muhombe wacho ndokuti; “Uyu ndiHazvinei ari fomu 2, anoteverwa na George uyu ari grade 6. Last born yangu uyu ane 4 years ndiTsitsi. Aya matwins Peter naPetina vane 6yrs vana vemunin’ina wangu aingofambawo muno akapondwa nemaboyfriends ake, saka vana ndini ndakatosara navo. Ava vaviri vasikana mukoma nemunin’ina Nikiwe na Thembi, vana vehanzvadzi yemurume wangu, tete nemurume wavo vakafa neAIDS. Ava matwins futi vane 2 years vachangouyawo vana veSmall house yababa aisapiwa maintenance saka akangouya akandisiira hake pano, ko munhu anoraswa here? Ndomhuri yangu.”
Ndakangonyarara, this was a painful life. So ndaizogara seiko pakadai kuti ndiverenge ndinyore? Ndakambofunga kufonera Auntie Star kuti vanditsvagirewo kwekugara till ndapedza exams asi ndakatya, vange vati she is saving my life and ndaisafanira kuvatsvaga.

Mai Hazvi vakazobika sadza nemitsipa yehuku yavakange vatenga maOK on our way from kumusika kwavo. Sezvo huni dzainetsa, moto wacho waive wemaguri nemazimbe, kana sadza racho range risina kunzwa moto, rainhuwa upfu humbishi. Zvisinei takarara hedu zvakanaka, ndakarara nevana vese divi raive kicheni, mai Hazvi vakaenda kwaive nematress rimwe divi. Pave pakati peusiku takanzwa guu zvine ruzha, musuo wairohwa negumbo. Pavanhu vese vemumba umu hapana akamuka, pasina nguva musuo wakabva wavhurwa;
“Sadza rangu mai Hazvie” murume aive arova musuo akadaro akamira pakati pedu tese akabata mucheka, wange wakaganhura kuti dzive dzimba mbiri.
When My God... When? [Chapter 5A]
“Tine muenzi baba vaHazvie, musanyanya ruzha.”
“Ndiani iyeye anouya pamba pangu ndisingazive?”
“Mwana wavakoma vangu vekuZaka vaye vekwaBvukururu kwaMuroyi. Idyai sadza iri. Ko hamuna mari yamambozowanawo here kubasa kwenyu?”
“Futseki satani, mari … mari …. Ndozvega zvaunofunga kana wandiona nxaaaa” vakambonyarara vachitsenga kunge imbwa yepanext door. Ndakanzwa ndiro dzorira sedzapotserwa.
“Ndaguta sadza rako; ya swedera uko, wageza handiti, bvisa pitikoti iyo, nxaaa vatete vako vakafa vasati vakuraira? Mukadzi ane murume anorara akapfeka, yaa good nyatsoibata mushe….yaaa. Vhura futi yaaa good good aah mai Hazvi…… ummmmm ……” ndakatarisa vana vese vange vakarara ndikasanganidzana meso naHazvinei. Ndakanyara ndikada kumuvhara nzeve. Pakazorara vabereki vapedzerana ndokuzobatawo kwakaita hope dzangu.

Kwaedza ndopandakazoona baba vaHazvi, vaive murume wechikuru almost 50years old. Nekwavaishanda handina kana kukunzwisisa. Vakange vakangotsikitsira kunge tsotsi. Kungwara kwese nekutaurisa kweusiku kwaive kwedoro, now he was sober he was quiet and stupid. Ndakabatsira mai Hazvie kutsvaira tsvaira nekubikira vana porridge raive risina chinhu. Pavakati vave kuenda kumusika wavo, ini ndakatora mabhuku angu ndokuenda mutown kuPublic Library. 

Pamba apa hapaiverengeka zvachose, paive nebongozozo nezhowe zhowe yevana nevanhuwo zvavo sedzimba dzange dzakabatana. Asi magariro amai Hazvi nemhuri yavo akandirwadza, ndakaramba ndichivafunga. Masikati ndaneta kuverenga ndakaenda kumaIndustry ndokutenga 2 plate gas stove, ne 5kg of basic food items rice, sugar, cooking oil, upfu, salt, matches ne3 loaves of bread ne 2 ma2litres of cokes and mazoe, packet of sweets and majiggies. Ndakangofunga to spoil the kids a bit. Takasvikirana namai Hazvie vakafara nekutenda chaizvo zvakatozondinzwisa tsitsi.
“Waita hako mwana wasisi vangu, hembe hadzisi kutengwa mazuvano, munhu wese tave kungotengesa zvakafanana. Kana pakawana chidiki chatengwa mari yacho haisvike kumba, ndototenga chikafu. Apa vana vechikoro vanenge vachidawo, wandibatsira mwanangu. Ava bamudiki vako haa kudhakwa chete, hapana kubasa kwaanoenda.” Vakatsanangura upenyu hwavo.
“Ko madii kuita business rechikafu, moita zvekufamba kwese kuri kuvakwa uko, kana varume vachivaka vanodya. Kana madaro moziva kuti all left overs ndozvamunozopa vana manheru. 

Kashoma kuti chikafu chisapera, vanhu vanodya.” Vakambonyarara ndokuti.
“Wauya nezano rakanaka. Ndichagoona kupera kwemwedzi kuda ndinenge ndasvitsa mari inokwana ndigotenga ndiro nemapoto mahombe ekubikira neekuzofamba ndakaisa chikafu chacho”.
“Ehe amainini, roughly mukati kango pots 2 dzekubikira, 2 stainless steel dzekupakurira. Maceramic plates 20 nedish hombe. Zvatokwana. Mofamba nedish hombe ne10L yemvura muchisuka. Mvura you can refill kwamunenge muri ikoko” vakasekerera ndokuti;
“Une njere mwanangu, wakandibvira nekupiko, wakangwara iwe.” Vakandibhabhadzira musana. Usiku uhwu takarara zvakanaka baba vaHazvinei havana kuuya, and the wife was not bothered at all, she seemed relieved. Pavakapedza kugadzirira vana vechikoro, vakabva vadzokorora nyaya yebusiness ravo rekubika ratakange tambotaura nezvaro. Ndakaona kuti mukadzi mukuru ange afara chaizvo. Ange anonokerwa nekufamba kwemazuva kuti mari yake ikwane andotenga start yake. Ndakagadzirira kuenda kuLibrary again, ndave kubuda mwoyo wangu wakarwadza, ndakabudisa mari ndokuti;
“Chiendai mundotenga zvinhu zviya zvese zvatange tichitaura zveKitchen business renyu”, mai Hazvi vakaita sevachadonhera pasi, vakatambira mari iya vakandipfugamira ndokupinda mumba vopfeka bhutsu dzavo kuti vaende kumaIndustry. Takazoparadzana ndichiendawo kuLibrary.

Manheru ndakawana vakafara midziyo mitsva yese iripo, I was happy to put a smile on this woman’s face. She was overwhelmed, vakabva vazoti;
“Mwari vakupe zvese zvaunoda nekuti wandigonera mwanangu. Ndatenga zvese ndikawedzerawo nezvimwe zvandaona kuti ndingade, zvaita zvese, chenji ndiyoyi,” vakadaro vachindidzorera mari yange yasara.
“Aiwa amainini, chengetai iyoyo ndoyamuchatenga nayo chikafu chacho chamuchabika.” Dzakafemedzeka femedzeka ndokutangazve kuronga maKg nemaLitre ezvaida kuzotengwa in pathetic appreciation and excitement.
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place