Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

When My God... When? [Chapter 5B]

Stories by: Rutendo L. Nzira: “Gadzirira tiende kumunamato kuMasowe mwanangu ndoda kundotenda Mwari nekutisanganisa kwavakaita.”  Mainini ...

Stories by: Rutendo L. Nzira: “Gadzirira tiende kumunamato kuMasowe mwanangu ndoda kundotenda Mwari nekutisanganisa kwavakaita.” 

Mainini mai Hazvi vakadaro. Takapinda mukati tese (I can’t say this shelter was mumba….) ndokutora mazambiya, vakandipa dhuku rewhite, vakarayira Hazvinei zvekusara achiita tichibva tabuda. Kumasowe kwacho kwaive kukasango kumucheto kweLocation yeMakokoba iyi. Takawana vamwe vatove pamunamato ndokubva tajoinirawo.

Mushure memunamato kwakazosimuka madzimai maviri nevarume vatatu, ndivo vaive vemweya vave kupa chiporofita nemiteuro; “madzimai Clara, ehe imi mai Hazvinei, alleluia simukai henyu, alleluia,” mainini vakasimuka ndokubva vatanga kupiwa tsanangudzo dzavo; “Madzimai, Mweya waona misodzi yenyu uye kushingairira kwamunoita mhuri yenyu kunge chirikadzi. Ndiri kuona sirivha nendarama yakati wandei mumba menyu pamwedzi iri kutevera apa alleluia.
Mumazuva mashoma ari kutevera mubati wenyu wemaoko uchabhadhara chaizvo madzimai. Kana makomborerwa musazokanganwa imba yaMwari, alleluia.”

Madzimai vaye vakambonyarara ndokuzoti; “Asi pamurandarume wenyu pane mhepo hombe inovhuvhuta, alleluia, ndinoona ari iye achakuparadzirai imwe pfuma alleluia. Musatya henyu madzimai Mwari achakukundisai. Murandarume wenyu ane mweya weupombwe nekuparara kweimba ungangokonzera bongozozo richaita imwe pfuma yenyu iparare. Mondobata munamato wemazuva matatu kuti Ishe wekudenga akukundisei pachiitiko ichi.”

Ndakavhunduka nazvo. Pakamboimbiwa rwiyo maporofita vachirira mweya, ndakange ndoda kuti zvichipera tiende. Pakapera rwiyo, vamwe madzibaba vakandinongedza;
“Vahanzvadzi muri muenzi handiti?” ndakasimuka ndokugutsurira.
“Ko vabereki venyu varipi?” madzibaba vaye vakabvunza.
“Vese vakashaya” madzibaba vakaridza muridzo vachidzungudza musoro.
“Hanzvadzi yangu uchiri mwana mudiki asi upenyu hwako hwakaoma, kana Mweya pawandiratidza upenyu hwako ndabuda misodzi. Ndange ndisingade kukupai tsanangudzo asi Mweya wati munofanira kusunungurwa. Baba vako iwewe vange vane jambwa remunyama rakakonzera kuti vafe vachiri vadiki, rakabva mumadzinza kwavakaberekwa ikoko. Zvino ndiwo munyama wakakunama chaizvo, munyama wakamutsa nedzimwe nhamo dzekumusha kwaamai vako. Une tsika neunhu hwemwana akabva kuvanhu, kushanda unoshanda chaizvo asi hauna chaunacho, pakaipa ndepekuti hauna paunoti kumba kwedu.”

Vakambonyarara ndokutarisa mapepa aipepereka achipfuura nepamberi pavo, vakatsika rimwe racho ndokuti; “madzimai uri kuona zvandaita bepa iri, ndikaritsika rinomira, asi ndikasimudza gumbo rangu so” vakasimudza tsoka yavo, bepa ndokubva rapepereka. “Rinobva rangoenda nenyika. Manje kufamba kwakadai bepa rinogona kudonhera mumoto, kana kungoramba richifamba pasina kwarakananga. Ndomufananidzo wandapiwa weupenyu hwako. Uri munhu anorarama netsitsi dzevamwe.”

Ah ndakatya nezvaitaurwa pamusoro pangu izvi, really? Ndozvaive upenyu hwangu in the spiritual world izvi? Vakange vasati vapedza neni.
“Uri munhu anongofambawo zvako asi pawakananga chaipo hakuna. Munyama wekudzinza kwako wakaita kuti chero nehama dzamai vako dzishaye hanya newe. Paunofamba zvinomboita sezvonaka asi zvinongozotsakatika. Kuti jambwa nerushava shava zvakaiswa pavabereki vako zvibviswe panotoda dare remunamato rakasimba kuti tidzimure izvozvo.”

Vakambonyarara ndokuzoti; “Ndisingazive kana muchikwanisa kuenda kuChimanimani ndokune ungano yedu hombe yegore rino, ikoko mungandoona Bishop nevafundisi vakuru kuda vangakugadzirirai dare rinodzimura kutukwa kuri paupenyu hwenyu. Ininiwo zvangu ndongoita kuti zvemabhuku zvauri kuita izvo zvibudirire. Munoona vatete basa renyu rakapera moda kunyora bvunzo. Mhepo iyi yaida kukubudisai muno muBhuruwayo kuti zvishaye basa mutadze kunyora bvunzo, asi misodzi yenyu neyamai venyu yakadaidzira tsitsi dzekudenga. Muchanyora bvunzo, zvakanaka. Zvimwe tozoona kana muripo tinenge tichingobatsirana.”

Vakambonyarara ndokuzevezerana naMadzimai avaive vakamira navo ndokuti “Iyezvino mozoona madzimai ava mobviswa nyora dziri kumusana, makadziiswa nevanoshereketa usiku muchiri mudiki.”
Madzimai vaye vakabva vati; “Munozouya mangwana mune bicarbonate soda, cooking oil nelemon. Musaunze zvakawanda, tinoda twushoma twekungoti tibate basa.”
Ndakademba chandakange ndaendera kuchurch uku, I was overwhelmed, zvavakange vataura zvainge zvechokwadi zvese, ndozvaive upenyu hwangu izvi? Kana mai Hazvie vakazviona kuti ndakange ndavhiringika. Tasvika kumba vakati;
“Madzibaba Peace vaye vanoonesa mwanangu, hapana chavanotaura chekunyepa. Kana ivo madzimai vandidudzira vaye vanoziva chaizvo…”
“Sorry henyu mainini mai Hazvie, handidi kutaura nezvekuchurch kwenyu. Regai ndimbonyora maExams angu murunyararo.” I was stressed nenyaya iyi zvisingaite.
“Asi mwanangu, dai wangoita munamato wacho wavakupa wozoenda futi kundobviswa nyora.” Ndakavarambira kusvika vasiyana nazvo. Asi ndakarara ndichitya futi when my God when, ndaizozororawo rini? Honestly ndingaite upenyu hwunofananidzwa nebepa rinopepereka here kana ndimiwo.

Weekend yese handina kuiona I was very busy preparing for my exams andaizonyora in the next two weeks, starting that Monday.
When My God... When? [Chapter 5B]
 Musi wandakanyora bepa rekupedzisira ndakambonzwa mhepo, ndaironga kuti ndichizonyasofamba muBulawayo ndichitsvaga basa ndibve pamba pamai Hazvinei. Usiku uhwu baba vaHazvi vakauya vakadhakwa as usual, asi apa vaive vane mumwe mukadzi airatidza kuti atorwa mubhawa. I found this extremely outrageous, how can a married man bring a prostitute mumba mune mudzimai wake nevana vake? Vakadzi we are always our own enermies, how can a woman in her right mind agree to that arrangement?

Mai Hazvinei was usually calm, collected and pathetic asi apa vakapopota chaizvo, vakapenga zvekuti ndakavashaya. Vana vese vakamuka vakagara pasi. Vakataura zvese zvavaikanganisirwa pamba apa zvaivarwadza. Vakagotanga kurova mukadzi uya kusvika atiza. Ini ndakatadza kupindira nyaya iyi, I was comforting the kids but ndakange ndakataimira kuti if any way mai Hazvi vakarohwa ndaizondovabatsira, zvibhakera zvandakange ndadzidza kumufuku nekuhuni paruzevha ndaizozvibudisa apa, sorry shame. Baba vaHazvinei vakatora saga raive nehembe dzaitengeswa namai Hazvinei ndokudhonzera panze ndokuritungidza. Takazokwanisa kudzima moto asi zvizhinji zvakaparara, manheru iwayo baba vaHazvinei vakabva vangonyangarika netwo pairs dzebhutsu dzangu necell-phone yangu.Hana yangu yakarova as I recalled the prophetes saying “murandarume wenyu ane mweya weupombwe nekuparara kweimba ungangokonzera bongozozo richaita imwe pfuma yenyu iparare.” So vakange vataura izvo here. Ndizvoka izvi zvakange zvatoitika.

Ndakatya, mangwana acho ndakazoendawo kumasowe kundokweshwa nyora dzandaisaona. I was becoming an emotional wreck again. Takaita svondo rese tichienda kuMasowe but kutya kwangu hakuna kupera. Zuva nezuva kwaive nenyaya itsva dzainzi dzaifanira kugadziriswa muupenyu hwangu. Zvange zvave kundivhiringidza, I lost confidence dzandange ndave nadzo during my stay with naSisi Anna, who used to have a positive outlook of life. She used to tell me that everything I plan, everything I wish for will come to pass if I pray and work hard. Now life was laughing at me and proving to me that it’s imposible. When my God……. when was I going to live a normal life again?

Mumwe mukadzi aiwanzotaura namainini mai Hazvinei akazonditi ndiuye kumba kwake, aive ane nyaya yebasa yaaida kutaura neni. Ndakandomuona on a Sunday afternoon, ndakawana vari vese nemurume wake. Vakati ivo baba ava vaGono vaidriver macombi aienda Namibia so vaiziva munhu aida musikana webasa, aivewo muZimbabwean aishanda in Windhoek Namibia. I accepted without thinking, this was my chance of going far, tione kana jambwa nerushavashava zvekwaTakawira zvaizocrosser maboader ese aya here kungotsvaga Gire, no ways.

So pavhiki rakatevera ndakaita zvekugadzirisa my emergence travel documents, sezvo ndaive ndisina Passport. Taizobuda muHarare to Windhoek on a Thursday. I was always angry now, ndaitsamwira vabereki vangu, sei vasina kuziva izvi pakurarama kwavo vakagadzirisa? Why ndirini ndinotakura mutoro wakadai ndiri ndega? I was again very angry with God, I was not only asking my Creator WHEN He was going to set me free. I was also asking Him WHY was this happening to me and HOW come He is letting this nonsensical life overshadow me. No matter what had happened, I believed the Blood of Jesus was ALL powerful. Sei Mwari vange vasingandizorodzewo. Misodzi yange isingachabude nhando, inobuda kana paine wekuchemera achikupukutawo.

Ndakaseka hangu ndega thinking kuti kana ndaizoramba ndakadai ndaizoita face seya auntie Star, vaimbotukwa nemurume wavo kunzi “madam Star made of 100% iron and steel, no flesh and blood” kikikikiki. Ndakange ndaita mazuva ndichiseka chituko ichi nekuti ndozvandaivafungirawo ndakavatarisa behind my innocent face. Asi apa ndakaona kuti life was making me into a Star Juniour…. When my God … when was my roaming around going to end?
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place