Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

My Sister... My Advisor [Part 1]

Stories By Lovely Rutendo Nzira : Ndakaramba ndichichema zvekutombotadza kutaura, sisi vangu vange vangonyarara vakanditarisa, babamukuru m...

Stories By Lovely Rutendo Nzira: Ndakaramba ndichichema zvekutombotadza kutaura, sisi vangu vange vangonyarara vakanditarisa, babamukuru murume wavo vakabva vabuda panze. Pave paya sisi vakazoti;“Chitanga nyaya yako Susan, wati murume wako aita sei?” ndakambofemedzeka ndokuzoti;
“Akatora mari yese yandaitengesa pamusika akandoita gambling, so mumba hamuna kana chinhu, no food. Ndomari yandange ndichida kundoisa deposit yekuCourse iya yeHairdressing. So now ndave pazero handichaziva pekutangira.”

Ndakaramba ndichivataurira magariro edu naPeter, vaizviziva zvese izvi, zvaisave zvitsvaba, tange tave ne 4 years tawanana naPeter. Ndakatanga ndichishinga ndichivanza asi zvakazondinyanyira, pange pasina future, marriage yacho ndaisaiona ini. Asi sisi vangu ava vaisada kunzwa nyaya yekuti ndisiye murume, ndovakange vandipa mari yekuhodha madomasi nemuriwo kuMbare, ndaitengesera pagedhe repamba pandairoja kuHighfields. Sisi vangu vaive neimba yavo yavakavaka nemurume wavo kuChitungwiza. Vaigarondibatsira even nechekudya chaicho. Asi makore achifamba uye mwana wedu achikurawo ndakatanga kuona kuti hapana upenyu apa. So ndakazotaurirana nemukoma wangu kuti ndiite Course yeHairdressing ndigovhura Salon yangu ndirarame nemwana.
Asi Peter aiita sedhimoni rinoparadza upenyu hwangu, mari yandaiita aitora achindoparadza, aive munhu aida zvema get rich quick schemes zvaiparadza mari. Takatorerwa wardrobe nevakomana vemakasi atamba njuga.
My Sister... Mt Advisor
Pandakamubvunza akati ndakamuwana anayo aiita zvaanoda nemidziyo yake, murume wangu uyu aigutsikana kana mumba mune sadza remusi iwoyo nefodya nedoro rake.

Inini pandakazvarwa amai vangu vakabva vafa, ndokubva ndarerwa namaiguru mukoma wavo, vaive amai vasisi mai Kudzai zita remwana wavo aive grade 5. Maiguru vaive nevana vakomana vatatu, so inini namai Kudzie takabva taita vasikana vaviri mumhuri. Vanhu vashoma vaitoziva kuti hatina vabereki vamwe chete. Kusiyana kwedu dzaive sarudzo dzatakazoita pakukura nevarume vatakazvara navo; sisi vaive nebasa rakanaka, vaive mumwe wemaManagers kuRainbow Towers, murume wavo aiita mabusiness ake muHarare akawanda wanda zvaivapa mari. Vaive nezvinhu zvavo, ini after O Level ndopandakamitiswa naPeter, it was date rape chaiyo, but nekuda kuvhara zvazviri amai nasisi vakamhanya mhanya akaroora. Mari yekurooresa akapiwa chikwereti nemurume wasisi, ipapo Peter aizviti ndiLecturer paHarare Poly. Pandakazondogara naye ndopandakaziva kuti aive Security Guard zvake. Ndakapererwa. 

Pandakaudza sisi vakati ndiye murume wako iyeye, wotoshinga uvhare nhamo yekumba kwako hama dzisazive tingashaye pekunyarira. Takabvumirana kuti even mai nababa nehanzvadzi dzedu vasazive tigadzirise tega. Sisi vangu vaive muCommittee yekuchurch vari muruwadzano rwemadzimai uye amai vakuru vevasikana veruwadzano, raive basa ravo kuona kuti vasikana vepasangano vanoroorwa vachichata vachigara mudzimba dzavo zvachose. Saka kuti ndisiye benzi remurume randaive ndazviwanira was a NO NO kwavari. Asi chokwadi ndechekuti ndakange ndapera rudo pana Peter, kana zvirizvo zvaive imba yacho ah regai zvangu ndife ndisina murume.

Pazuva iri Peter akange andiparadza, chokwadi munhu angauye mumba ndakarara kwakundibira mari yandakange ndaita hafu yegore ndichiunganidza? Yaifanira kubhadhara rent yemwedzi miviri, kutenga chikafu chedu tese nekubhadhara fees yangu ndiwanewo kakosi. Ndainzwa hasha neruvengo pamusoro pababa vemwana wangu.

Masikati emusi uyu amai vekuchurch kwana mai Kudzie vakabva vauya. Madzimai makuru akataurirana nyaya yeupenyu hwangu kuti vondibatsira sei. Mai Mahari ava nemurume wavo vaive maElder kuchurch, amai ava vaive nebusiness reCatering and Events Management, vaiita michato nemaparty zvemhando yepamusoro soro.

Vaenda sisi vangu vakagara neni pasi vakati;
“Chinzwai mainini, murume haarambwe, murume haasiiwi. Ndopamusha pako pauchafira ipapo mumhuri yekwa Taderera ikoko. Mukadzi chaiye akabva kuvanhu haarambe murume, unovhara mhosho dzemumwe wako. Munhu chaiye akabva kuvanhu anoita murume mumwe chete, one, in life. Zvevana vakasiyana siyana, zveGame Park hazviko kwedu nhaika.”

Pandakada kuti ndidaire vakabva vandigamha;
“Ndoziva zvese zvaunoda kutaura, I know all your problems, kana neniwo ndaiti zvichachinja, asi murume wako imhepo chaiyo. Asi solution tinayo iwe uri mai Taderera zvachose.” Ndakaterera kuti ndinzwe kuti mukoma vakange vakwanisa sei kugara nabamukuru uye sei vaizvitemba kuti muupenyu hwavo hamuna divorce.
“Mai Elder vati vachaona kana vachikwanisa kukupinza basa kuEvents Management kwavo, tichavanzwa mid week. So iwewe ndichakukweretesa imwe mari wozondipa even after 3 months watanga basa. Wondogadzirwa musoro, wotengawo hembe dzinoita dzakanaka, womborega zvematommy nemaslippers. Woitawo kababe kemuTown. Marriage yako uchaichengetedza nekutsvaga mumwe murume wechikuru, ane zvinhu zvake, achakuitira zvese zvisiri kuitwa naPeter. Uri kundinzwa?” Ah ah vakoma vangu ava vari kuti chii?
“Yes wandinzwa, uchatsvaga sugar daddy achakuchengeta iwe nemwana wako nemurume wako. Wonyatsongwarira kana wapiwa mari uite zvine musoro chopas nekuti chihure hachina pension,” Takamboseka tese asi ndaive ndichiri kushamisika kuti is that how people save their fucked up marriages nowadays?

Kana wazokura wave kuziva madhiri uchanditenda zvako. Vachiri kutaura kudai takanzwa manzwi panze babamukuru baba vaKudzie naPeter vakabva vapinda. Mushure mekukwazisana, Peter akazoti;
“Amaiguru hamenowo zvamaudzwa nemukadzi wangu asi ini ndauya kuzotora mhuri yangu.” Sisi vangu vakaseka seka ndokuti; “Pakanaka bamunini, iwe mainini mundogara zvakanaka zvekungopopota zvisina maturo uzvirege, murume anoda peace yake mumba make. Bamunini vanozoenda kuSmall House kana ukasagona kuzvibata, varume vonetsa kuwana ava.” Peter rakaseka zvaro richibudisa rurimi rwainge pata pata yembavha. Babamukuru baba vaKudzie vakazotiperekedza kumba kwedu. Takapinza grocery ratakange tapiwa navakoma mumba, Peter akasara akabata mwana ndichiperekedza babamukuru kumota yavo takanyararisana. Vakatozoti vamutsa mota yavo, “mosara mushe mainini, kana pane zvanetsa munongofona or put a call me request.” Vakabva vaenda havo. Ndakambogara pasi pemumango pandaitengesera nagogo muridzi wemba naSarah shamwari yangu airojawo panext door.

Hapana akada kutaura zvakawanda, vaiziva nhamo yangu, Sarah aitambura zvake achitengesawo asi murume wake aimuda achimubatsirawo pano neapo. Vaigara zvakanaka vachironga vese. Zvaive nane waitomboona kuti inhamo zvayo asi pane urongwa hwemangwana semhuri. Ndakamboeredza misodzi ndakagara, gogo ndovakazondobata ruoko chinyararire vachindisimbisa, ndakazosimuka ndokupinda mumba mangu. Source: Stories By Lovely Rutendo Nzira
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place