Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 2]

Pachikamu chekutanga takanga tichita ura kuti Vakadzi vanoshanda vanowedzera maShift kuti mari iwedzere asi zvadaro havaonani nevarume vavo ...

Pachikamu chekutanga takanga tichita ura kuti Vakadzi vanoshanda vanowedzera maShift kuti mari iwedzere asi zvadaro havaonani nevarume vavo zvoreva kuti vava kutomutsa rimwe dambudziko rokunzi mai vako vari kuda mari yatisina.

Zvese izvi zvinenge zvakonzerwa nekusa virirana paku shandisa mari saBaba naMai. Gore richinotanga, kuZimbabwe vanoda mari yevana vechikoro, zvikuru vane vana vavakasiirwa nehama dzakashaika.

Vamwe vevana ava vari kuma BOARDING SCHOOL. Kuti urega vachidzingwa chikoro hazviiti.

CHIHURE: Kana mumba mune bopoto kugaramo kunonetsa saka uchaona kuti murume nomukadzi vanochinjana kuva mumba kutya kugara vese.

Murume akafunga kuti mukadzi ari kumba anononoka kuendako, Mukadziwo ndizvozvo. Kana mune vana zvotoita sokuti havasi venyu. Vana vanosiiwa mumba neTV baba namai vari kunhamo dzavo kusina anoziva.

Pakadaro unosangana nevamwe vanodawo kuterera nyaya dzenhamo dzako iwe munhu wotanga kufugura hapwa dzako kuvanhu.
Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 2]
Mukutaura kwako uku vanokunzwira tsitsi vokuvaraidza. Varume vakawanda vakafunga kuti pane mukadzi anoda kuvaraidzwa, vanomuvaraidza neBonde. Vakadzi vakawanda vakawana murume anoda kuvaraidzwa vanomuvaraidza neBonde zvekare nekuti anenge afunga kuti aona munhu ane Rudo panhamo yake iyoyo.

Kana une nhamo kumba ukawana munhu anoterera zvaunotaura, achiita sokuti anonzwisisa nyaya yako paanokuvaraidza nokukumbundikira, nokukupuruzira musana kuti uzive kuti pane umwe munhu anokuterera kupfuura murume wako.

Anotanga achipuruzira maoko akaona kuti uri kunzwisisa semwana mucheche achauya pamusana napo napo opurudzira magaro.

Ukaramba uchimuudza zviri mumoyo mako uye kuti murume wako akashata ahana Pfungwa neMari, anokupurudzira mabvi mugere mumota kana muRESTURANT iwe uchinyara kuita nharo, ozokupurudzira zvidya achiterere nhamo yako.

Mumwe anobva akuregera ipapo, asi achatanga kutaura newe paFon aokutumira nyaya pafoni iwe uchidavira uchimukurudzira. Muchasangana agokukwidza mota yake kuti umuudze zvakawanda zvokumba kwako.
Achakuterera agokupa mazano okuita kumba kwenyu adaro anokubata ruoko agokutarisa mumaziso agokupa zano reku nyepa kuti unzwisise kuti ari kukutsigira. Uchabvuma zvaari kumuudza.

Vakadzi vazhinji vanobva vachema chema agokubatsira agokunyaradza agokukisa mumota agosvirana newe pasina kondomu mumota yake. Hazvina basa kuti Nhamo yekumba kwako inokwanisa kukukonzera kuhura. Nhumbu nezvirwere hazvizivi kuti mukadzi/murume wauri kurara naye haasi wako. Kana nguva yakakodzera mimba anoita.
Kana ane chirwere anokupa chirwere nekupusa kwako munhu.

Nzwisisa kuti bonde rinovaraidza moyo unogwadza kurombe reRudo.

Kuti uchizoyeuka kuti wako wekumba anodawo bonde rauri kupa kumunhu wekunze, uchaona kuti mumba zvinokunetsa nokuti chasiyana inzeve dzokuterera nadzo. Dai wekumba aitawo nzeve akaterera nhamo yako dai iwe usina kuzoda uyu wawava kuudza nhamo dziya.

Kuzo svirana nouyu umwe zvabva paku nzwisisana pakutaura chete, asi iye achati waka pusa saka vanhu dzidzayi kutaurirana nekoterera mumwe wako.

Tosanga zvekare naTete MaNyati muzvikamu zvino tevera zvekumisa Dzimba ndatenda.
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place