Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Hover Effects

TRUE
{fbt_classic_header}

Header Ad

Solana Windscreens Zimbabwe

Breaking News:

latest

Ads Place

Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 1]

Iyi iNguva yokupokana mumba. Pane vanoongorora nyaya dzokurambana kwevakaroorana munyika dzakasiyana siyana vanoona zviitiko zvakawanda mudz...

Iyi iNguva yokupokana mumba. Pane vanoongorora nyaya dzokurambana kwevakaroorana munyika dzakasiyana siyana vanoona zviitiko zvakawanda mudzimba, chihure, kusakudzana, Smallhouse, huchapa, kana kushaya rukudzo zvinoita kuti dzimba dziparare.

Zvimwe zvezvavakaona toda kumbozvitaura pano.

Nguva dzokurambana kwevanhu: MuZimbabwe, South Aftica neUK nguva inorambanisa vanhu zvakanyanya inguva yeCHRISTMAS. Pakuongorora vakaonekwa kuti vanokumbira hurumende kuti ivapatsanuse vanowedera zvakanyanyisa mumwedzi waApril, May, June naAugust asi kupokana kwavo kunenge kwaka tanga mwedzi kana makore adarikawa.

Zvotariswa zvakaonekwa kuti pamakore akati wandei vanorambana ava vazhinji vanotangira panyaya yemari uye chihure.

PaKisimisi zvinhu zviviri izvi zvinowedzera kukosha kwazvo. Mari Vanhu vakawandisa vanoda kutengera vana vavo zvinhu paKisimisi, asi mari yacho haikwani. Zvino vanobva vashandisa maBASA MAMWE ANO NYADZISA pane KUBA kumabasa neChihure, kana Mukadzi akuita chihure mazuva eChristmas vanoita kunge kukwereta mari yokuwedzera pane yavanayo vobva vatenga zvakawanda.
Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 1]
Ukuwo puresha yese iyi inotapudza kufunga kwevanhu panyaya dzokuti achazobhadhara zvikwereti izvi ndiani, varume vamwe vanenge vakuda Mari yekudya zvekuonekwa kuRoad.

Kunozoti mwedzi waJanuary naFebruary wotanga, kuda zvikwereti osvika pamba zvoonekwa kuti mari hapana uye ichanetsa kuwana. Ukuwo mwedzi wa December vanhu vanobhadharwa Christmas isati yasvika zvinoitisa kuti mwedzi waJanuary uite murefu zvakawedzera. Mhuri dzokumushawo dzinotarisira kuti tichafarawo paChristmas mari inotumirwa nevari kubasa inge yakawedzera. Havanzwisisi kunetsa kwemari panguva iyi.

Kozotizve vanhu vanoshandisa magetsi nemvura zvakanyanya kureva kuti March anogona kusvika zvinhu zvisati zvanaka, saka maBills acho anouya akakura zvinowedzera dambudziko ratovapo kare.

Pakutadza kuripa zvikwereti uku vanhu vasina kutsigirana pakuzviita vano tanga kupopotedzana vopokana votsvaga kupanan mhosva, uku vachitya kudzingwa mudzimba kana kutorerwa dzimba nezvikwereti.
Muchiri pakadai unoona kuti varume vanomwa doro vanowedzera kumwa kuti vakangamwe nhamo iyi, but hapana zvino chinja kuto wedzera mutauro mumba,
Vakadzi vanoshanda vanowedzera maShift kuti mari iwedzere asi zvadaro havaonani nevarume vavo zvoreva kuti vava kutomutsa rimwe dambudziko rokunzi mai vako vari kuda mari yatisina.
Zvese izvi zvinenge zvakonzerwa nekusa virirana paku shandisa mari saBaba naMai.

Tosanga zvekare naTete MaNyati muzvikamu zvino tevera zvekumisa Dzimba ndatenda
Adverts Here
Adverts Here

Ads Place